Mbappe oshuvira Kante

MUTAMBI weParis Saint-Germain, Kylian Mbappe, anoti akaedza kukurudzira N’Golo Kante weChelsea kuti auye kuzotambira chikwata chekuLigue 1 apo vaviri ava vaive kumutambo weWorld Cup.

Mbappe, uyo ane makore 19 okuberekwa, akaudza muridzi wePSG Nasser Al-Khelaifi kuti atenge mutambi uyu kubva kuchikwata ichi chekuPremier League.

Kante, uyo akahwina mukombe wePremier League kaviri, ange achinzi ari kudiwa kuParc des Princes mwaka uno uye Mbappe ari kutsigira kutengwa kwemutambi uyu.

“Ndakaudza (Al-Khelaifi) zvakare kuti Kante anenge akatinakira mukamutenga auye kuchikwata chedu,” akaudza France Football.

“Ndakataura naN’Golo pataive kuWorld Cup asi ndisingamumanikidze nekuti ndinoziva zvinoitika kana zvikapinda mumusoro wako zvekuda kutengwa nezvimwe zvikwata.

“Pakupedzisira ndakangoisa mashoko mashoma muhomwe dzake zvandakanyora pakapepa, izvo zvandinoziva akazozviona adzokera kumba kwake.”

Mbappe naKante havasati vadzokera kuzvikwata zvavo zvichitevera kuhwina kwavakaita kumutambo weWorld Cup neFrance nguva pfupi ichangodarika. Vaviri ava vakabatsira Les Blues kuhwina mukombe weWorld Cup kechipiri munhorondo yechikwata ichi mushure memakore 20 zvichitevera kukunda kwavakaita Croatia 4-2 mufainari yemutambo uyu. —SportsMail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *