
VABEREKI nevadzidzi vanoti vakuru vezvikoro pamwe nevanoona nezvemari dzemalevy vanenge vabatwa nemhosva yekushandisa mari idzi zvisiri izvo vanofanira kumiswa mumatare edzimhosva, votongwe senzira yekupedza huwori hwakadai.
Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari nguva yadarika iyo inoratidza kuti pamari inosvika $1,2 bhiriyoni yelevy yakabviswa muzvikoro zveHurumende nezviri pasi pemakereke, chidimbu chayo chakashandiswa mumabasa asinei nekusimudzira zvikoro.
Zvakabuda zvakare kuti vamwe vakuru vezvikoro vari kuita chitsotsi chekunyorera mabhuku emari kaviri-kaviri senzira yekuti vasaonekwe humbavha hwavo.
Semuenzaniso, pane chimwe chikoro chekuChitungwiza panonzi pane chibhorani chakacherwa pakashandiswa $19 000 inova mari yaikwanisa kushandiswa mukuchera zvibhorani zvishanu.
Chimwe chikoro chiri muHarare chinonzi zvakare chinoti chakatenga bhazi ne$180 000 asi mutengo waro usingadariki $100 000.
Vachitaura nguva yadarika pamusoro peongororo yemashandisirwo emari muzvikoro yakaitwa nebazi ravo, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakati Hurumende ine hurongwa hwekuti masangano eSDA asave nechekuita nekubatwa kwemari muzvikoro.
“Tinoziva kuti mari inodarika $1,2 bhiriyoni iri kutorwa kubva kumalevy muzvikoro asi chidimbu bedzi ndicho chinogona kunge chiri kushandiswa mumabasa ebudiriro muzvikoro. Zvikoro zvichine zvikwereti zvinosvika 2 000 zvisinei nekuti mari yelevy iri kutorwa yakawanda.
“Tinozvitsanangura sei kuti zvikoro zviri kushaya budiriro munyaya dzezvivakwa nezvekushandisa? Zvimwe zvikoro zvine vashandi vakawandisa uye vashandi ivavo vari kutambira mari yakawanda kudarika varairidzi nevakuru vezvikoro izvi zvichikonzerwa nehuwori,” vanodaro.
Zvakadaro, ongororo yakaitwa nehofisi yaAuditor-General paSeke 1 High, kuChitungwiza nguva yakadarika inoratidza kuti pakaitwa huwori pakushandiswa kwemari zvakaita kuti chikoro ichi chirasikirwe ne$53 000.
Ongororo iyi yakaitwa zvichitevera chikumbiro chevabereki avo vaigununu’na nekuda kwemafambisirwo ezvinhu pachikoro ichi.
Kwayedza yakazoita hurukuro nevabereki nevadzidzi vekunzvimbo dzakasiyana avo vari kudya marasha nekuda kwenyaya yehuwori huri kuitwa muzvimwe zvikoro.
“Zvinorwadza kuti vabereki vanonetseka kuwana mari dzechikoro vamwe vanhu vanenge vachinyepera kuti vari kushandisa mari dzelevy nemazvo votangisa kudzimora vachishandisa mukupedza nhamo dzavo. Ndinongoti vanhu ivavo ngavasungwe zvisinei nezvigaro zvavo. Ndiko kuti vamwe vangade kupara mhosva dzakadai vadzidze,” anodaro Tatenda Kanhema (17) avove mudzidzi wekuHerentals College, kuChitungwiza.
Future Jaricha (16) anove Chitungwiza Junior Councillor anotiwo vanoita huwori muzvikoro ngavasungwe.
“Tinoda kuti mbavha dzinoba mari muzvikoro dzisungwe nekuti dzinodzosera shure budiriro yenyika nedzidzo. Mune zvimwe zvikoro hamuna zvivakwa nezvekushandisa zvakakwana asi temu yega-yega mari iyi tinenge tichisungirwa kuibvisa. Tinoda kuti mari yechikoro ishandiswe nemazvo nekuti vabereki vanoshaya hope vachiitsvaka,” anodaro.
VaTendai Takawira (47) vekuUnit K, kuChitungwiza, vanoti mari yelevy ngaisabviswa muzvikoro nekuti kare pavakadzidza yakange isipo.
“Kuuya kwemari yelevy muzvikoro ingori nyaya yekutsvaga kubira vabereki. Isu kare taidzidza isiko. Izvozvi chero iriko hatisi kuona basa rairi kuita mukusimudzira zvikoro.
“Hurumende ngaibvise mari iyoyo nekuti chero pese panovhurwa zvikoro, ndiyo inotanga kudzingirwa vana nekuti vanenge vachiziva kuti vanowanawo chikamu chavo ipopo. Mabhazi echikoro nemimwe midziyo yavanotenga tinotovhunduka kunzwa mitengo yacho nekuti isu sevabereki tinenge tichizivawo kwazvinobva nemitengo yazvo chaiyo asi hatina simba nezvinhu zvinoitwa,” vanodaro.
VaFelix Chiranda (30) vanotiwo humbavha mune zvimwe zvikoro hwanyanya.
“Muzvikoro imomu tinonzwa vachiti vadzidzi ngavatenge mayunifomu anotengeswa pachikoro asi kunenge kune zvitoro zvakawanda zvine mitengo yemayunifomu akaderera. Vanoisa malogo pamayunifomu voramba atinotenga kunze iri nzira yekuda kusveta dikita remubereki,” vanodaro.




