BVUNZA GODOBORI: Mazuva ano kuchine ngozi here?

MUCHIKAMU chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvinonetsa mumararamiro evatema, vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Ndakaona svondo rapera bepanhau reKwayedza richiburitsa nyaya yemurume anonzi akafa mushure me“kudzipwa” nengozi yemukoma wake.

Nyaya iyi yakandishamisa zvakanyanya nekuti, sezvandinonzwa vamwe vanhu vachitaura, ngozi kazhinji inoenda kune munhu anenge akaponda kana kuti vemhuri yake.

Makore ano kuchiri kuitika nyaya dzengozi here uye kana munhu akarega kuripa ngozi yacho chii chinoitika? — J. Katumba, Muzarabani

Mhinduro

Ngozi mweya wemunhu akafa, kazhinji anenge aita zvekupondwa, uwo unozobuba pavapenyu.

Mweya uyu unobuda uchitaura maponderwo anenge akaitwa mushakabvu. Pamusoro pezvo, unotaura zvaunoda kuti zviripwe nazvo senzira yekupedza ngozi yacho.

Ngozi inowanzobuda pamunhu anenge akaponda kana kuti vedzinza rake.

Dzimwe nguva ngozi haingotangi nekuuraya munhu asi kuti panogona kuitika zviratidzo zvakasiyana-siyana kune vemhuri yanyakuponda munhu.

Zviratidzo izvi zvinosanganisira kugara vanhu vachirwisana mumusha kana kuvepo kwebopoto risingaperi.

Ngozi kana ichinge yabuda inotaura zvainoda kuti vemhuri yanyakuponda vagoripe nazvo.  Kazhinji inoripwa nemombe.

Kare, ngozi yairipwa nemwanakomana kana mwanasikana asi izvi hazvichatenderwi pasi pemutemo sezvo kuita kwakadai kuri kutyora kudzero dzeanenge achishandiswa pakuripa uye iyi imhosva inoendesa munhu kujeri.

Ngozi haidi zvekutsipikwa kana kuti kutandidzirwa. Zvikadaro, ikazenge yopfuka hapabudi chakanaka; ndipo painenge youraya vanhu nekuda kweukasha.

Izvi ndinovimba ndizvo zvakaitika panyaya yengozi inonzi yakauraya munin’ina wemushakabvu kwaSeke.

Mhuri dzevanhu vakaponda dzinogona kunge dzakatandidzira mweya wanyakufa kune vemhuri yake.

Asi kuita kwakadai hakuna kumbosiyana nekuzvigokera moto muziso nokuti kana ngozi iyoyo yodzoka inenge yomuka chibhebhenenga chaicho chinopedza rudzi.

Hongu, mazuva ano ngozi dzichiriko. Munhu akaponda anenge atopara ngozi, iyo inofanira kuzoripwa nemhondi iyi pamwe chete nevedzinza rake. Zvikasadaro vanhu vanopera kufa nekusangana nematambudziko makukutu mukurarama kwavo.

Ndinovimba J. Katumba wekuMuzarabani pamwe chete nevamwe mabatsirikana netsanangudzo iyi.

Kune vane zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *