Zim yobandana neNew Zealand

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwi anonzwa musi weChishanu svondo rino kunhandare yeHarare Sports Club apo chikwata chenyika checricket chemaChevrons chichabandana necheNew Zealand chemaBlack Caps mumutambo weT20 Tri-Series, uyo uri kutora nzvimbo pari zvino.

Zimbabwe, South Africa neNew Zealand zviri pakati pekutamba mitambo yeT20 Tri-Series kuHarare Sports Club.

Mumutambo wekutanga weT20 Tri-Series, maChevrons akasangana nemaProteas ekuSouth Africa, ndokukundwa nemawickets mashanu.

Naizvozvo, mumutambo wavo wechipiri, apo vachasangana nemaBlack Caps, vanofanirwa kurwa semvumba kuti vahwinhe, vagokwanisa kufambira mberi mumutambo uyu.

Mutambo weT20 Tri-Series uyu uri kuitwa paurongwa hweround robin, zvichireva kuti zvikwata zviviri zvichapedza zvine zvibodzwa zvakawanda ndizvo zvichazosangana mufainari.

MaChevrons kana apedza kutatsurana nemaBlack Caps musi weChishanu, achazosangana nemaProteas musi wa20 Chikunguru, ozobandana zvakare nemaBlack Caps kekupedzisira musi wa24 Chikunguru.

Pamwe pakati apa, maProteas nemaBlack Caps achange achiita zvechisanganawo, zvinoreva kuti chikwata chimwe nechimwe chichatamba mitambo mina paround robin iyi.

Mutambo wekupedzisira weround robin uchatambwa musi wa24 Chikunguru apo pachazotariswa kuti zvikwata zviviri zvine zvibodzwa zvakawanda ndezvipi.

Zvikwata zviviri izvi ndizvo zvichazobandana mufainari ichatambwa musi wa26 Chikunguru kuHarare Sports Club.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×