Lovemore Kadzura
MUNYAYA yakasiya vagari vekuChimanimani vasina remuromo, mumwe mudzimai, uyo ainge akadhakwa zvakadarikidza nedoro, akapisa imba yavo yekubikira izvo zvakaona amai vake vane makore 72 ekuberekwa vachirasikirwa nehupenyu mushure mekutsva.
Mbuya Norah Mukonya ndivo vakafa mumarimi emoto uyu mushure mekunge mwana wavo, Sekai Mukonya, apisa imba yavo.
Mbuya Mukonya vaive munhu akaremara uye vakaoma mutezo nokudaro vakakundikana kutiza moto uyu zvakaita kuti vatsve zvakanyanya.
Murume wavo, VaJohn Mukonya (79), vakakwanisa kutiza vachibuda mumba umu zvakaita kuti vasatsva.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti Sekai akangoerekana apisa imba iyi pasina kana chikonzero.
Zvisinei, vamwe vagari vemunhauraunda iyi vanoti ainge ambonetsana zvikuru nevabereki vake achivapomera mhosva yekuunza jambwa kana kuti minyama muhupenyu hwake.
Jambwa raisanganikwa naro naSekai harina kunyatsotsanangurwa izvo zvakasiya vanhu vemunharaunda iyi vachitora mashoko aya seefungidziro.
“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa3 mwedzi uno husiku apo Sekai (44) akabva kubhawa akadhakwa akaona amai vake nababa vake vagere muimba yekubikira. Akabva atora huni pamoto ndokupisa imba yavainge vari pasina chikonzero. Baba vake vakakwanisa kutiza asi amai vake, avo vakaremara, vakakundikana ndokutsva kudakara vafa.
“Mukoma wavo akaedza kufonera mwana wake, Boniface (44), kuti azobatsira asi imba yainge yatotsva nechekare. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kuZRP Cashel Valley.
“Mapurisa akauya kuzotora mutumbi vakauendesa kumochari yeMutambara Mission Hospital uye ongororo ichiri kuenderera mberi,” vanodaro.




