Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema, uye vachipindurwa nenyanzvi.
Mubvunzo
Ini ndiri mudzimai ane makore 30 ekuberekwa uye ndakarerwa kumusha kwaamai vangu kuZaka, kuMasvingo, mushure mokunge vabereki vangu varambana ndichiri mudiki.
Ndinonzwa vamwe vanhu vachitaura kuti kana munhu akarerwa kumusha kwaamai vake anozofanirwa kubvisa mombe yechiredzwa. Mubvunzo wangu ndewokuti ichokwadi here ichi? Mombe iyi ikasabviswa, chii chinozoitika pakufamba kwenguva? — J. Kizito, Zaka
Mhinduro
Ichokwadi kuti pachivanhu pane mombe inofanirwa kubviswa inonzi yechiredzwa. Mombe iyi ndeyekutenda vanhu vakarera munhu nekuda kwebasa guru ravakabata. Hazvisi nyore kurera munhu kusvikira ayaruka; zvinoda kuzvipira kwakanyanya. Munhu akayarukira kumusha kwaamai vake uye akarerwa naambuya nasekuru, anofanirwa kuzobvisa mombe yechiredzwa.
Asi munhu akarerwa nemukoma kana munin’ina wababa vake, pakadai hapabviswi mombe yechiredzwa nokuti vanhu ava ndeveropa rimwe chete nababa vake, nyakutumbura.
Mombe yechiredzwa iyi inogona kubviswa nababa veanenge akarerwa kana kuti iye nyakurerwa wacho.
Iyi itsika yechivanhu yagara iripo kubva pasichigare, zvisinei nokuti mazuva ano vamwe havachadi kuzvitevedza nokuda kwekupindana kwetsika.
Kana mombe yechiredzwa yabviswa, anenge aipihwa anozokoka hama neshamwari, poitwa mabiko, vachipemberera. Panenge pachidyiwa nekunwiwa.
Asi makore ano kune vamwe vanogona kuda kuchengeta mombe yacho, nokudaro zvinosiyana, zvichienderana nezvido zvemunhu.
Mombe yechiredzwa ikasabviswa, zvinogona kukonzera matambudziko akasiyana-siyana pamwe chete nerushambwa kumunhu anenge akarerwa.
Rushambwa urwu rwunosanganisira kushaya mbereko uye munhu kugara achiita minyama isingaperi mukurarama kwake.
Ndinovimba J. Kizito nevamwe mabatsirika netsanangudzo iyi.
Kune vane zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori, panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.



