BVUNZA GODOBORI: Mombe yehumai yakakosherei?

MUCHIKAMU chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema, uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Ndinozwa vanhu vakawanda vachitaura pamusoro pekukosha kwekubviswa kwemombe yehumai.

Mombe iyi inobvisirwei uye ndiani anofanirwa kuibvisa? Ko, ikarega kubviswa zvine basa

Mhinduro

Mombe yehumai kazhinji inobviswa nemurume anenge akaroora mukadzi, achipa amai vemudzimai wake.

Iyi inzira yekutenda ambuya vake, amai vemudzimai, kuti vakamuberekera mukadzi.

Mombe iyi yakagara ichibviswa kubvira pasichigare.

Inobvisirwa kumidzimu yembereko kuti isimbe kuchengeta mhuri.

Mombe iyi yabereka, mhuru yayo imwe chete kana yarumurika kubva pana amai vayo, yave kuzvifurira, chave chigondora chasamhuka, yakatanga kubiswa iri yehumai inozoteurwa kana kuti kuurayiwa.

Izvi zvinoitirwa kuti vana (vemukuwasha anenge abvisa mombe yehumai) vasangorwara-rwara, kushaya mbereko, kungosangana nematambudziko akawanda-wanda uye kufa kwemhuri kusinganzwisisiki.

Zvose izvi zvinomiririrwa nemidzimu yekwamai pakurwira nokuti ndiyo mbereko.

Muchidimbu, kubisa mombe yehumai kusimbisa mbereko yekwamai, kureva midzimu yavo.

Zvinoitirwa zvakare kuti kana mwana akarwara, midzimu yekwababa nekwamai inge yakabatana pakurwa hondo yacho uye ukakumbira midzimu yekwamai unonzwikwa nekudairwa nokuti inenge ichifara.

Mukuwasha akafa asina kubvisa mombe yehumai, vana vake vanokwanisa kuzoibvisa  vachibatsirwa nehama dzababa vavo.

Zvakakosha kuziva kuti pachivanhu, mombe yehumai inofanirwa kubviswa iri inotsika, kwete zvave kuitwa nevamwe mazuva ano zvekubvisa iri mari.

Asi ambuya vake kana vasina kubvisirwa mombe yehumai, mukuwasha haakwanisi kubvisa mombe yake yehumai achivapa; vanofanirwa kutanga vabvisirwa ivo.

Akaita nharo, obvisa chete mombe iyi, hapana zvaanange aita; anozoibvisa zvakare kana ambuya vake vabvisirwa nokuti zvinofanirwa kufamba negwara.

Kusabvisa mombe yehumai kunokonzera matambudziko makukutu mumhuri akadai sekurwarirwa nevana zvisina tsarukano, kushaya mbereko kana kungogara vanhu vachisangana neminyama isingaperi.

Ndinovimba musharukwa Daudi nevamwe mabatsirika netsanangudzo iyi.

Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 774 132 838.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×