Mukadzi aba Toyota double cab ndokuibonderesa akadhakwa

Bokang Tlou

MUKADZI wekuBulawayo ane makore 25 okuberekwa akamiswa pamberi pedare redzimhosva achipomerwa kuba motokari yerudzi rweToyota Tundra double cab inokosha US$70 000 ndokuibonderesa apo aityaira asina rezinesi uye akadhakwa.

Sikhosini Dube, wemumusha weLobengula West, akamiswa pamberi pemutongi wedare reBulawayo Magistrates’ Court, Muzvare Sibonginkosi Mnkandla, achipomerwa mhosva yekuba motokari pamwe nekutyaira asina rezinesi.

Muchuchisi, Muzvare Nomthandazo Mafu, vakaudza dare kuti nyaya iyi yakaitika musi wa15 Chikunguru gore rino,  apo mumhan’ari — Denzel Mwampokolo — akasangana naDube kuNew Parklands. Vaviri ava vakapanana nhamba dzenharembozha ndokuwirirana kuti vaizosanganazve zuva iroro.

Vakazosangana ndokuenda kwaigara Mwampokolo kurukisheni rweKhumalo uko kwavakanwa zvinwiwa. Kuma10pm, Dube anonzi akatora makiyi emotokari pasina mvumo yemumhan’ari ndokuenda nemotokari yake yerudzi rweToyota Tundra. Anonzi akanga akadhakwa uye asina rezenisi panguva iyoyo.

Dube anonzi akatadza kutyaira motokari ndokunorovera pajurahoro repamba paMwampokolo. Haana kuzvidzora zvichitevera tsaona iyi sezvo anonzi akaenderera mberi nekutyaira akananga mukati meguta reBulawayo.

Akasvikorova mwenje wemumugwagwa (street light) panosangana 4th Street naLeopold Takawira Avenue, izvo zvakaita kuti motokari iyi ikuvare nechepasi kumberi kwayo.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa izvo zvakazoita kuti Dube asungwe uye kuti motokari iyi iwanikwe.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *