Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema, uye vachipindurwa nenyanzvi.
Mubvunzo
Nyaya dzemoto unongotanga kubvira woga pasina aubatidza inombofamba sei nokuti ndaverenga nyaya dzakawanda dzemasaramusi erudzi urwu mumapepanhau akasiyana-siyana pamwe nekuona mavhidhiyo acho? — Mai J. Chihwai, Marondera
Mhinduro
Ichokwadi nyaya dzemoto unongotanga kubatira woga dziriko uye izvi zvinogona kukonzerwa nezvakasiyana-siyana. Zvakanaka kuti ndimbopa mienzaniso yenyaya dzerudzi urwu dzakamboitika muZimbabwe, ndisati ndapa tsananguro yezvinogona kukonzera moto unongotanga woga.
Muna Kubvumbi gore rino, pane nyaya yakabuda mumapepanhau pamwe chete nepadandemutande yemumwe mutori wenhau ane mukurumbira, uyo aiti akarasikirwa nemari inosvika US$20 000, iyo yakatsva iri muwodhiropu yaive mumba make mushure mokunge moto wabatira woga. Sokutaura kwemutori wenhau uyu, akange atengesa imba yake yakare, achironga kuzoshandisa mari iyi kupedzisa kuvaka imba yake itsva.
Anoti akaisa US$20 000 iyi muwodhiropu senzira yekuichengetedza asi akazoshamisika kuona mumba mave nechiutsi, mari iyi yatsva yose nemoto wakangotanga woga.
Chinoshamisa ndechokuti mari iyi ndiyo chete yakatsva, moto wacho uchibva wadzima. Wodhiropu haina kana kutsva.
Gore rapera, pane nyaya zvakare yakafanana neiyi yakaburitswa neKwayedza yeimwe mhuri yekuKuwadzana muHarare iyo yaitsvaga rubatsiro mushure mokunge yatambudzwa nemoto wemasaramusi, uyo waingotanga woga. Moto uyu unonzi waivetevera vemhuri iyi kwose kwavaienda, uchipisa mbatya nemimwe midziyo.
Kunze kwazvo, pane imwe zvakare mhuri yekwaMarange, mudunhu reManicaland, yakapedza mwedzi mina ichigara musango nokuda kwedambudziko remoto waingotanga woga, uyo unonzi wakazomira mushure mekubatsirwa neimwe n’anga.
Pane zvinhu zvine chitsama zvinogona kukonzera moto werudzi urwu. Chokutanga, mumusha kana mumhuri muine mweya wengozi, moto unogona kungotanga woga. Ichi chinenge chiri chiratidzo chokuti pane zvinofanira kugadziriswa nekukasika.
Chechipiri, kune vamwe vanhu mazuva ano vari kutsvaga mishonga yakaipa, apo vanoromba, vachida pfuma yechimbichimbi uye isina dikita zvisinei nokuti inozovapandukira ichipedza mhuri.
Mishonga yemhando iyi inogona kupedzisira yoita kuti moto ungobatire woga kana nyakuromba wacho akakanganisa mhiko dzacho. Kazhinji, mishonga yerudzi urwu inozivikanwa nezwi rokuti sandawana.
Chechitatu, kune vamwe vanhu vanoshereketa kana kuti vavengi vanogona kukonzera kuti moto ungobatira woga senzira yekurwadzisa mumwe munhu. Kana mumusha maita dambudziko remoto unongotanga woga, zvakakosha kuti vechikuru vafambe, vatsvage chikonzero pamwe nekugadzirisa zvinonetsa zvacho. Vakasadaro mhuri yose inogona kupera nechakapedzambudzi.
Ndinovimba Mai J. Chihwai vekuMarondera nevamwe mabatsirika netsanangudzo iyi.
Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.




