BVUNZA GODOBORI: Munoitongawo sei nhau yamubvandiripo?

Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evanhu vatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Ini ndiri murume ane makore 36 okuberekwa. Mumhuri medu tiri vanakomana vashanu. Pavanakomana vashanu ava, mukoma wedu haasi wababa vedu asi kuti akauya chiri chindumurwa naamai mushure mokunge varambana nemurume wavo wokutanga.

Nyaya yangu iri pakuti pakashaya baba vedu, mukoma uyu akanzi ndiye ave baba. Izvi zviri kuita kuti atonge pfuma yenhaka yose yakasiyiwa nababa.

Ndinonzwa vamwe vachiti pachivanhu hazviiti kuti mwana akauya nemukadzi mumusha mutsva maanenge aroorwa ave mudyi wenhaka yemhuri iyoyo sezvo anonzi mubvandiripo. Zvinomborevei kuti mubvandiripo uye nyaya yangu iyi ingagadziriswe sei? — T. Ndambakuhwa, Hurungwe.

Mhinduro

Mubvandiripo zvinoreva mwana wemukadzi waanouya naye paanoroorwa nemumwe murume, asi asiri wababa ivavo.

Pachivanhu, hazviiti kuti mwana werudzi urwu adaidzwe mutupo wemumhuri iyo amai vake vanenge varoorwa sezvo asiri wedzinza iroro.

Kana mwana uyu akadaidzwa nemutupo usiri wake, midzimu yemumusha imomo inotsamwa, izvo zvinogona kukonzera matambudziko akasiyana-siyana.

Izvi zvinoreva kuti mubvandiripo, kazhinji, haakwanisi zvachose kuve mudyi wenhaka yababa vasiri vake. Akazviita mudyi wenhaka, maitiro akadai anenge asina kumbosiyana nekuita undyire.

Nyaya yako T. Ndambakuhwa haina kufambiswa zvakanaka pakashaya baba vako. Handizivi kuti sei vanhu vechikuru, kana vaivepo, vakaregera mubvandiripo uyu achipihwa zita rababa vako.

Kwete, apa pakakanganiswa zvakanyanya.

Nyaya yakadai inokwanisa kugadzirisika nenzira dzakasiyana-siyana. Chokutanga, gara pasi nevakuru vemumusha mako, mozeya nyaya iyi patsva nechinangwa chekuigadzirisa.

Kana zvaramba, munokwanisa kukwidza nyaya iyi kudare rasabhuku, rasadunhu kana rashe chairo.

Kumatare ari kumusoro, akadai seCivil Court kana High Court, munokwanisa kuwana rubatsiro zvakare sezvo achiona nezvekugovewa kwenhaka. Asi kumatare aya kunodiwa umboo hwemagwaro anobatika, kureva kuti munofanirwa kunge muine magwaro anotaridza kuti mubvandiripo uyu haasi wedzinza renyu.

 Ndinovimba T. Ndambakuhwa nevamwe mabatsirikana nemhinduro iyi.

Kune vane zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×