Sherwood angangogadzwa pachigaro chinopisa

QUEENS Park Rangers iri kumhanya-mhanya kuita hurukuro dzekugadza Tim Sherwood pachigaro chinopisa chehurairidzi kuchikwata ichi svondo rino.

Mwana akazvimba dumbu akwata

naMalven Mugadzikwa MWANA ane makore mashanu okuberekwa ari kuyaura nedumbu rake iro rakangotanga kuzvimba apo anonzi akange abva kunotamba nevamwe uye pane fungidziro yekuti anogona kunge akakwata zvekudya.

Shona: vasikana vakarova

KANZURU inoona nezvebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), inoti vanasikana vakapasa chidzidzo cheShona kudarika vakomana mubvunzo dzeA-Level dzegore rapera.

Akagariswa mudhishi nemukadzi

Garnet Zvimba PANE mumwe murume akachema-chema mudare achiti mukadzi wake akamutorera midziyo yose yemumba pamusoro pezvo ndokuzomumhan’arira.

Hatisi kutamba panyaya dzezvinodhaka: ZOC

SANGANO rinoona nezvemitambo reZimbabwe Olympic Commitee rinoti harisi kuita zvedambe nenyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka nemishonga isingatenderwi zvichitevera kuwaniswa kwakaitwa nyika ino mari yekurwisa dambudziko iri

Vakomana ndokukunya kupasa pao-level

KANZURU inoona nezvekufambiswa kwebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), inoti huwandu hwevadzidzi vakapasa bvunzo dzeO-Level dzemuna2014 hwakakwira nechikamu che10% kuenda pa30.85% kana

Bhodhi rePool league rakagadzwa

Abel Ndooka BHODHI idzva reHarare Pool League rakagadzwa svondo rapera iro rine basa guru rinosanganisira kutsvaga vakotsveri vanosimudzira mutambo uyu.

Vatambi vewheelchair vonanga SA

Abel Ndooka CHIKWATA cheZimbabwe cheWheelchair and Handcycling chiri mukembi umo chiri kugadzirira kuenda kuSouth Africa kunokwikwidza kumujaho weAnnual Outeniqua Wheelchair Challenge uyo uchamhanyirwa kuGeorge kuSouth Africa nguva inotevera.

Tinoda Afcon: Katsande

Abel Ndooka MUTAMBI wemaWarriors neKaizer Chiefs yekuSouth Africa, Willard Katsande, anoti vatambi vechikwata chenhabvu cheZimbabwe vaneta nekugara vachingoomberera zvimwe zvikwata mawoko izvo zvinenge zvabudirira kunokwikwidza kumutambo weAfrican Cup of Nations.

EU yotsigira kurima ne$600000

Muchaneta Chimuka SANGANO reEuropean Union rakapa rubatsiro rwemotokari 13, midhudhudhu 30, makombiyuta nemimwe midziyo yekurimisa inokosha US$600 000 kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro munguva pfupi yadarika.

×