MSD yotsvaga mari yekufirita makore

Muchaneta Chimuka BOKA reMeteorological Services Department (MSD) rinoti riri kutsvaga rubatsiro rwechimbi-chimbi rwemari inodarika US$200 000 rwekuti rikwanise kufirita makore (cloud seeding) mumwedzi waKukadzi naKurume senzira yekuti mvura inge ichinaya…

‘Ngwarirai zvirwere zvezvirimwa’

Kingstone Mapupu VARIMI vakayambirwa kuti vagare vachiongorora zvirimwa zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyana, zvikuru munguva ino yezhizha apo tumbuyu tunokonzera zvirwere izvi tunowanda zvinozoitawo kuti goho ravo ridzikire.

Ndinotsvagawo murume anoda kuroora ari pachokwadi asinganditambisire nguva yangu

INI ndiri murume ane makore 31 ndinotsvaga mukadzi akavimbika ane makore 26 kusvika 30 anodawo zvemba nekusimukira anoshanda nesimba. Ini ndoita zvematuckshop nehugweja. Ndiri negative, anondida ngaandibate pa0772 324 094.…

Kodzero ngadzirege kurasa gwara

PANE nhaurwa iri kunetsa mazuvano, nyaya yokurova kana kusarova vana, kunyangwe zvazvo vanhu vachiratidza kunge varasa musoro wenyaya nokuti nyaya iyi ine payakatangira.

Vanondivanza baba vangu

KUNA tete Ndiri murume ane makore 35 ekuzvarwa. Amai nababa vangu vakadanana munguva yehondo vakabva vaita pamuviri pangu ndokubva

Chimutsamapfihwa hachichaite mukore uno

KAHUNHU kanotarisirwa kuvepo mumunhu kana kachinge karasika munhu uyu anenge asisiri akakwana, anenge afanana nemhuka. Tinoziva mhuka hadzina kupihwa chipo chekufunga kwakakwana semunhu. Munhu akapiwa simba rekufunga naizvozvo ukaona munhu

Moto paPrince Edward High

Malven Mugadzikwa MIDZIYO pamwe nemabhuku zvekushandisa pakudzidza kwevana zvinokosha $800 000 zvakatsva paPrince Edward High School, muHarare svondo rapera nemoto unofungidzirwa kuti wakakonzerwa netambo dzemagetsi.

Makandiwa akavaka chikoro

Daphne Machiri GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vari kurumbidza mutungamiriri wechechi yeUnited Family International Church, Phophet Emmanuel Makandiwa nekubatsira kwavari kuita mukusimudzira dzidzo muZimbabwe.

Vakapotsa vaendeswa kwamupfiga nebwe. . . nemutorwa wavakambochengeta

Nyasha Mutena MURUME wechidiki wekuZengeza 3, kuChitungwiza, anonzi svondo radarika akamuka chibhebhenenga apo akadzoka kuSouth Africa ndokuenda kumba kwevamwe sekuru naambuya vakambomuchengeta kare uko akanovatema-tema nematombo nechikonzero chisati

Syllabus ndiwo musimboti wekubudirira paShona

Ticha Danga REGAI titange nekuzivisana kuti gwaro ratakapinda rinovaka danho ratichatsika gore rinotevera. Zvinoreva kuti tinofanirwa kuvaka danho risingazotidonhedze. Ngarive danho rakasimba iro richanongedza nzira yatichatora kweupenyu hwose.

×