‘Kwayedza yakatiita kuti titsvunhe Shona’
ZVICHITEVERA kuziviswa kwezvakabuda mubvunzo dzeZimsec dzeO- neA-Level dza2014, vana vane chitsama vakatumira mashoko avo vachitenda bepanhau reKwayedza nezvikamu zvaro zvakananga kubatsira vadzidzi veShona.
Muporofita wekuuraya netsono oti . . .‘Ndaishandiswa nemadhimoni’
MUPOROFITA wekumbobuda pachena achizviti ane simba rekushandisa tsono kuuraya munhu ave kuti mabasa ake aya kushandiswa nemweya wetsvina — madhimoni.
Pwere dziri kuita vana dzawanda
HUWANDU hwevanasikana vekumaruwa vari pakati pemakore 15 kusvika 19 ekuberekwa avo vari kuita pamuviri hwakapetwa kaviri kana zvichienzaniswa nevanogara mumaguta nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
Makunakuna: Baba vakatiza nemwana
MAPURISA ekuMashonaland East anoti ari mushishi kutsvaga vamwe baba nemwanasikana wavo avo vanonzi vari kupengesana murudo zvichitevera kutizisana mukumbo kwavanonzi vakaita ndokuenda kusina anoziva nguva pfupi yadarika.
O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Monika naTimoti vanoteverwa naMujubheki
CHITSAUKO 6 (Ongororo: Enderero mberi) Usiku hwacho kunove nerunyararo rwaityisa urwo munyori anoti “rwainge rweguva”. VaMushayazano vachizeya zviri kuitika
Alan Pardew otsigirwa kuti azorairidza England
ALAN Pardew akatsigirwa kuti azozadzikisa chishuviro chake chekurairidza England rimwe remazuva. Murairidzi weNewcastle, John Carver, akashanda ari pasi paPardew kwemakore mana kuSt James’ Park uye anoziva kuti muchinda uyu
GRADE 7: Mamiriro erondedzero
Ticha Danga ZVINO zvataziva zvatinotarisirwa kugona muchiShona, tochida zvino kuongorora kuti zvinyorwa zvedu tinozvimisa zvakadii kuti tigokohwa pakuru pakupera kwegore.
Alcoz yobatsira vana muzvikoro kumaruwa
SANGANO reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe (ALCOZ) rinoti rine hurongwa hwekushanda pamwe chete nezvikoro zvekumaruwa nedonzvo rekuti vana vanorarama nehusope vakwanise kuwana mishonga, magirazi ekuverengesa nekuti
Mitambo yeSupport Unit yotanga
KUNENGE kusingadanwe anonzwa muHarare svondo rinotevera kutanga nemusi weMuvhuro apo zvikwata zveZimbabwe Republic Police Support Unit zvichange zvichitatsurana mumitambo yeBadgers Inter-districts Sports Gala.
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Ndatsva mukanwa, ndifuridzewo!
NDAKANGA ndisingambozvibvuma kuti chokwadi ndakanga ndiri mumwe wevanhu vatatu vakanga vatorwa kuti vatange basa pakambani yeKing and Queen. Nyangwe zvazvo basa redu rakanga riri remasvondo matatu, mari yacho yakanga


