Muchaworera mujeri: Muchinguri
ZIMBABWE ichava nemutongo wakaomarara, unoita kuti anobatwa nemhosva yekubhinya aworere mujeri kwemakore 30.
‘Vaimbi siyanai nembanje, bronco’
MUIMBI weZim gospel dancehall, Fradereck ‘Vito’ Chidyausiku, uyo vazhinji vanoziva saKiller Bees anoti vaimbi vanofanirwa kusiyana netsika yekutora zvinodhaka zvakaita sembanje nebronco izvo zvinozokonzeresa
Akaponda munin’inal… ‘Vainge vadhumaniswa nemusikana’
NYAYA yemurume akaponda munin’ina wake achiita wekumuzvakatsa nebango sezvinonzi inyoka yapinda mumba yasiya vagari vemubhuku raUshongani, kwaMusana, vaoma mate mukanwa.
Pasuwa akamhanya: Mubaiwa
SACHIGARO weDynamos FC, shasha dzeligi reCastle Lager Premiership dza2014, Kenny Mubaiwa akashora zvikuru murairidzi wechikwata chavo, Callisto Pasuwa, nekumhanya kwaakaita kumapepanhau kunotaura kuti haasi
Dhamu idzva rovakwa
MABASA ekurima kwaSadunhu Chiveso kwaShe Musana, kuBindura anotarisirwa kusimudzirwa zvikuru zvichitevera kuvakwa kuri kuitwa dhamu duku munzvimbo iyi murwizi rwaNyamapamu.
‘Tsigirai zvidzidzo zvesainzi’
VAKURU zvezvikoro vari kukurudzirwa kuti vatsigire zvakasimba kudzidziswa kwezvidzidzo zvesainzi pamwe nekusimudzirwa kweruzivo rwechizvino-zvino kuburikidza nekuwanisa vana zvirongwa zveE-Learning.
MAONERO EDU: Cherechedzai tsika nemagariro emuZimbabwe
MUZIMBABWE mune tsika nemagariro izvo zvakagara zvichitevedzwa kubvira kare-kare. Izvi ndizvo zvinogona kunzi nemumwe mutauro ugo hwemadzinza, hunoumba munhu kuti ave nehunhu hunoyemurika. Maitiro akadai aya haawanikwe munyika ino chete…
Makore 20 amai vakatetereka . . .mweya ndiye tugu pamwana
MWEYA wemudzimai wekuChiweshe, uyo akatetereka mugore ra1994 zvekutadza kuwanikwa nehama dzake, unonzi wakazobata pamwanasikana wake zvikaita kuti hama dzake dzizive nzvimbo yaakafira.
‘Handidi kudyiwa natezvara’
Orpah Mukotekwa MUMWE murume akachema-chema mudare achiti haadi kuti mari yaari kubhadharira kuchengeta vana vake idyiwe naambuya natezvara vake.
Rwizi rwakayerera ropa, gomo rikamera makumbo
KUDUNHU rekwaSaunyama kuNyanga, kwakaitika manenji apo zidombo raiva pamusoro perimwe gomo reko, iro rinonzi rinoyera, rakakoromoka rega ndokunogumira murwizi urwo rwunonzi mvura yacho yakabva yasanduka











