Podolski haasi kudzokera kuCologne
MUTAMBI weArsenal Lukas Podolski haasi kuzodzokera kuFC Cologne kana azofunga zvekubva kuLondon muna Ndira, sekutaura kwaJorg Schmadkte chamangwiza wechikwata ichi. Podolski (29), uyo akahwina mukombe weWorld Cup neGermany, haasi kufara…
Fowler mumakwikwi eIrish Open
SHASHA yemutambo wegorofu, Rickie Fowler, achapinda mumakwikwi eIrish Open ayo achaitirwa kunhandare yegorofu yeRoyal County Down. Chizvarwa chekuAmerica, Fowler, akatsinhira achiti achapinda mumakwikwi aya muna Chivabvu gore rinotevera. Fowler, uyo akatamba
Ndine $10 chete yemendenenzi
Malven Mugadzikwa MURUME wekumitisa mumwe musikana ndokuzoshaya hanya nekuchengeta mwana wake, akaudza dare kuti anokwanisa kumupa $10 pamwedzi yemendenenzi. Senzeni Munguvava akaendesa Percy Mashaya kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira mwana…
Rimai mbeu itsva: Seed Co
Kingstone Mapupu KAMBANI huru inouchika mbeu munyika muno yeSeed Co yakakurudzira varimi kuti mwaka uno vamboedzawo kurima mhando dzembeu itsva dzechibage idzo dzichangoburwa sezvo dzichipa goho guru rine pundutso. Mukuru wekambani…
Fembera- Fembera Tione!
VAVERENGI, svondo rapera takati mufembere, mutiudzei kuti tsvarakadenga yatakaburitsa papeji rino ndiani. Takati tsvarakadenga iyi yakambokwikwidza mumakwikwi akawanda erunako, kusanganisira epasi rose, ikatora mikombe yakawanda. Mhinduro chaiyo ndeinoti BRITA
Chirongwa chichasimudza mabasa emawoko
Daphne Machiri SANGANO reEuropean Union National Institute for Cultural Promotions nguva pfupi yadarika rakaparura chirongwa chekusimudzira mabasa emawoko pamwe netsika nemagariro muZimbabwe. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi kuNational Arts Gallery, muHarare, mukuru
‘Tichawanza magetsi kumaruwa’
Muchaneta Chimuka HURUMENDE yakazvipira kuzadzikisa zvirongwa zvayo zvekusimudzira kumaruwa kuburikidza nekuvawanisa zvinodiwa semagetsi paine donzvo rekuvandudza upenyu hwevagari veko. Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa chekuiswa magetsi, cheRupange-Chigono,
Team Zimbabwe yosimbisa gadziriro
Abel Ndooka CHIKWATA cheTeam Zimbabwe icho chichakwikwidza kumutambo weAfrican Union Sports Council Region V Under-20 Youths Games kuBulawayo muna Zvita chakapinda mukembi svondo radarika apo chave kusimbisa gadziriro dzacho. Team Zimbabwe…
‘Uri zidofo pamasvomhu’
Tatenda Moyo MUKADZI wekuendesa murume wake kudare achida mari yekuriritira vana vavo akashamisika apo akaudzwa kuti idofo remakoko sezvo achivhiringwa nemasvomhu nekudaro anofunga kuti mari iripo asi ipo pasina. Onner Kamwaza…
Vabereki vovaka chikoro chitsva
Memory Mangombe VAGARI vekwaSaunyama, kuNyanga, vari kuita mushandirapamwe wekuvaka chikoro chitsva zvichitevera dambudziko rakatarisana nevana venzvimbo iyi rekufamba nzendo refu kunotsvaga dzidzo yesekondari. Muhurukuro naSabhuku Alexio Saunyama (57), vanoti vabereki





