Harare yagadzirira kuenda kunaph

KWAINGE kusingadanwe anonzwa svondo radarika pachikoro cheAlfred Beit kuMarlborough muguta reHarare apo zvikwata zvisere zvemitambo yakasiyana zvaikwikwidzira chinzvimbo chekuenda kunomirira purovhinzi yeHarare Metropolitan kumitambo yeNational Association of Primary Heads Inter-Provincial Finals iyo ichatambirwa kuMasvingo kutanga svondo rinotevera.

Zvikwata izvi zvakabva kumatunhu anoti Chitungwiza, Epworth-Mabvuku-Tafara, Northern Central Region, Warren Park-Malbereign, High Glen, Glen View-Mufakose neMbare-Hatfield uye zvaikwikwidza mumitambo inoti nhabvu, netball, basketball nevolleyball.

Mitambo iyi yaive yekuongorora pamwe nekusarudza vatambi vakasiyana.

Sangano reNAPH Harare Region rakasarudza chikwata chevarairidzi vemitambo  avo vakapihwa basa rekuongorora vatambi vanozomiririra Harare mumitambo yakasiyana.

Mapurovhinzi ese emuZimbabwe ari kutarisirwa kutumira zvikwata zvavo kumitambo yeNAPH Provincial Tournament uko chikwata chinenge chahwina chichazvihwinira tikiti rekunomirira nyika kumitambo yeConfederation of School Sport Associations of Southern Africa (COSSASA)  ichatambirwa kuZambia gore rino.

Sachigaro weNAPH mupurovhinzi yeHarare, Stanley Makwembere, anoti akafara zvikuru netarenda ravakaona muvatambi vakauya kuzokwikwidza svondo radarika.

Makwembere akakurudzira zvikwata zvavo zvese izvo zvavachatakura kuenda kuMasvingo kuti zvisunge dzisimbe.

“Uyu ndiwo mukana wenyu wekuumba tarenda renyu ramunaro. Vese vasarudzwa mune basa rakakumirirai patiri kuenda kuMasvingo nekuti tiri kuda kuti tinohwina tiende kuZambia.

“Isu tichakutoresai mapassport nekuti tatozviona kare kuti tiri kunohwina,” akadaro Makwembere.

Head-in-charge webasketball kuNAPH Harare Region, Lamula Marongwe, akati mitambo iyi yakakosha zvikuru sezvo ichivaka vatambi vechidiki kuti vave neramangwana rakanaka.

“Mitambo iyi yakakosha chaizvo kune vatambi vechidiki nekuti inovabatsira kuve neramangwana rakanaka.

“Havasi vese vana vanogona muchikoro, vamwe vane zvipo zvemitambo iyi saka isu tinovakurudzira kuti vaite zvemitambo nechinangwa chekuti ramangwana ravo rive rakajeka,” akadaro Marongwe.

Zvakadaro, pamitambo yakatambwa svondo radarika, kuNetball chikwata cheEpworth-Mabvuku-Tafara ndicho chakahwina chichiteverwa neGlen View-Mufakose kozoti Warren Park-Malbereign yaive pechitatu.

Kumutambo wenhabvu, Mbare-Hatfiled yakahwina menduru yegoridhe, sirivha ikaenda kuGlen View-Mukakose kozoti Northern and Central Region ndokuhwinha yebronze.

Chikwata Mbare-Hatfield ndicho chakahwinha pamitambo yevolleyball yevasikana, webasketball kuvasikana zvakare ndokuhwinhiwa neGlen View-Mufakose.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×