Zvikwekwe: Varimi vopihwa mishonga
Muchaneta Chimuka VARIMI vemombe vari kukurudzirwa kuti vatore mukana wekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe kuburikidza nechirongwa chekupihwa mishonga pachena chePresidential Blitz Tick Grease Programme. Kusvika pari zvino,…
Covid: ‘Vaimbi pindirai’
Abel Ndooka MUIMBI ari kusimukira – Dedicated Musasa – anoti vaimbi neshasha dzemadhirama vanofanirwa kutora chikamu chikuru mukushambadza pamusoro pekurwisa chirwere cheCovid-19 uye vachipawo mucheredzo wakanaka kune veruzhinji. Muhurukuro, Musasa…
Voda kubairwa jekiseni muZim
Leonard Ncube ZIMBABWE inotarisira kusimukira muchikamu chezvekurapwa kwevashanyi zvichitevera kubvunzwa kuri kuitwa nevekunze kwenyika kuti vanotenderwa here kubaiwa majekiseni emushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 kana vakashanya muno. Izvi zviri kuuya panguva…
Inzwai vakabaiwa jekiseni reCovid
Mary Chimenya VANHU vane chitsama, avo vakabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19, vari kukurudzira veruzhinji kuti vatambire chirongwa cheHurumende ichi vachiti chinobatsira zvikuru kurwisa denda ranetsa pasi rose iri. Majekiseni aya…
Mishonga yeCovax ichanonoka – WHO
Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti mishonga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 iri kutarisirwa kupihwa kunyika dzichiri kusimukira serubatsiro pasi pechirongwa cheCOVAX Facility ichibva kuSerum Institute…
Tapiwa ovigwa asi musoro nemaoko
Kingstone Mapupu MHURI yekwaMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa – iyo ine mwana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuzonhongwa ikoko usina musoro, maoko nemakumbo – inoti ichaviga mutumbi uyu neMugovera uno ichitevedza…
Mwana (12) ari kushaikwa
Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weSolomio, kuRuwa, iri kutsvaga mwanasikana wayo wemakore 12 okuberekwa uyo anonzi akangotsakatika kubva nemusi wa14 Kurume gore rino. Mwana uyu anonzi akagumisira kuonekwa apo akakwidzwa…
‘Wanzai chenjedzo muzvikoro’
Muchaneta Chimuka VANA vechikoro pamwe chete nevabereki vari kukumbira Hurumende nevamwe vatsigiri kuti vasimbaradze zvirongwa zvekudzivirira chirwere cheCovid-19 muzvikoro vachiti pachiri kudiwa dzidziso yakasimba pamusoro pedenda iri sezvo vamwe vana…
Tinohwinha: Mpandare
Abel Ndooka MANEJA wemaWarriors Wellington Mpandare anoti chikwata chake chinofanira kubata basa sebasa mumitambo miviri yavo yasara iyo vachasangana neBotswana (Zebras) neZambia (Chipolopolo) mumitambo yekurwira tikiti rekuenda kuAfrica Cup of…
‘Vatambi vetsiva changamukai’
Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa mutsiva — Alfonso “Mosquito” Zvenyika — anoti kusadzidza kuri kukonzeresa kuti vatambi vazhinji vemutambo uyu vabirwe mari dzavo nemapuromota nemamaneja vosara vasina chinhu. Mosquito anoti vatambi…











