Vanotengesa mari hokoyo: Muswere

Abel Ndooka HURUMENDE inoti iri kusimbaradza chirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuburikidza nekuona kuti vose vari kutengesa mari pamusika mutema mumaguta nemadhorobha pamwe nevanotengesa zvimwe zvinhu varangwa zvakaomarara nemutemo. Izvi…

Sei corona yapararira?

Joseph Madzimure KUWANDA kuri kuita vanhu vari kubatwa nevari kufa nechirwere cheCovid-19 kuri kukonzerwa nekufamba-famba kwakaita vanhu munyika yose panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva. Izvi zvinotaurwa nemutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana,…

‘Dzimwe tsika ngatimbosiyai’

Debra Matabvu ZVAKAKOSHA kuti vanhu vemuZimbabwe vabatane mukurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo denda iri risingasarudze vanhu, vanodaro mudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa. Mumashoko avo ekutenda nyika mushure memazuva…

Varume ‘vonanzvira’ mukadzi wekuGokwe

Kingstone Mapupu MAMBO Chireya vekuGokwe North vanoti vave kuoneswa nhamo nekuridzirwa nhare nevamwe vanhurume vachitsvaga mudzimai anonzi ari kurambwa nevarume vanenge vamuroora nechikonzero chekuti akanyanya kunaka izvo zvinoita kuti pose…

‘Zvinoda kukasika kunovhenekwa’

Abel Ndooka NYANZVI yezveutano – Professor Elopy Sibanda – vanoti zvakakosha kuti vanhu vachimbidze kunovhenekwa nemachiremba kana vaine fungidziro yekuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 kuitira kuti varapwe nekukasika. Prof Sibanda –…

Vobatsirwa neZunde Ramambo

Kingstone Mapupu MAMBO Chireya vekuGokwe vanoti vari kuita mabasa ekubatsira mhuri dzakarasikirwa nehama nekuda kwechirwere cheCovid-19 neavo vane denda iri zvichitevera kuumbwa kwehomwe yekuvayamura mune zvakasiyana. VaHenry Chidzivo (54), avo…

Covid haisarudze, tose tiri panjodzi’

Tandayi Motsi HURUMENDE inoti Covid-19 – iyo inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus – haisarudze vanhu vekubata uye munhu wose ari panjodzi yechirwere ichi, nekudaro zvakakosha kutevedzera matanho anokurudzirwa ekumisa kupararira…

Tasunga 340 000: ZRP

Kingstone Mapupu VANHU vanodarika 340 000 vasungwa nemapurisa nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) kubva muna Kurume wegore rapera kusvika pari zvino. Mutaruriri wemapurisa munyika,…

$5 000 yekufamba husiku

Muchaneta Chimuka VANHU vatanhatu vanogara kuChitungwiza vakamiswa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekungomberekera munguva dzisingatenderwe pasi pemutemo wekurwisa chirwere cheCovid-19 – dzekubva na6 dzemanheru kusvika 6 dzemangwanani (curfew). Vasungwa ava ndiSpencer…

Chiyangwa akaba mbudzi nehwai 

Muchaneta Chimuka MURUME anogara kuBudiriro, muguta reHarare, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Courts achipomerwa mhosva yekuba hwai 19 nembudzi pfumbamwe pane imwe puroti iri kuBeatrice. Desmond Chiyangwa (34) wepanhamba 4853 Cresent…

×