Mari yekutenga mushonga weCovid-19 yotsvagwa
Farirai Machivenyika HURUMENDE iri kutsvaga mari inodiwa kutenga mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines), panguva iyo vabati vehomwe yenyika vari kuvimbisa bazi reutano nekurerwa kwevana kuti richawaniswa mari inokwanirana. Izvi zvakabuda…
Gadziriro dzekutengeswa kwefodya dzoitwa
Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti riri kushanda nebazi rezvekurima nemamwe mapoka akasiyana pamusoro pegadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya wegore rino nedonzvo rekuti patorwe matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere…
‘Tiri kunzi tiri varoyi’
Kingstone Mapupu MUDZIMAI nemwanasikana wake vanogara pakomboni yeMukushi, kuTynwald North, muguta reHarare, vari kushushikana nerushambwa rwekugaronzi varoyi nevavanogara navo. Faith Zindondo (27) naamai vake Colletta Zindondo (48) vanoti havana rugare…
Tanzwa nenyoka yababa- vanasikana . . . ‘inotiita vakadzi, hatikechwe’
Tendai Gukutikwa naLiberty Dube NYAYA yehuroyi yakonzera kupesana kweimwe mhuri yekwaMutare zvichitevera kupomerwa kuri kuitwa baba vacho kuti vane zvikwambo zvenyoka izvo zviri kushinha nevanasikana vavo nekukonzeresa mamwe matambudziko. Vana…
‘Onamira’ pamukadzi wemukoma
Kingstone Mapupu MURUME wechidiki wekwaChireya, kuGokwe North, wekubvuma kuti akadanana naamaiguru mudzimai wamukoma wake, akazonopotera kudare ramambo weko mushure mekunge abatwa nerunyoka uye dumbu rake razvimba sezvinonzi mukadzi ane mimba.…
Mwana anoita tsvina nepadumbu
Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weHighfield, muHarare, ine dambudziko guru remwana anoita tsvina nepadumbu nekuda kwenhengo yekuzvibatsira nayo yakavharika iyo inoda kuvhiiwa uko kuri kudiwa US$7 000. Mai Faith Moyo…
Kudzivirira Covid pazvibhorani
Muchaneta Chimuka SANGANO rinorwira kodzero yekuwaniswa kwemvura yakachena uye iri pedyo nevanhu, reCommunity Water Alliance (CWA), riri kukurudzira nhengo dzemakomiti dzakasarudzwa kuti dzinge dzichimirira kuona mashandisirwo akanaka anoitwa zvibhorani (water…
Osimudza mureza weZim kuTanzania
Abel Ndooka Shasha yetsiva yechidzimai — Revai Madondo — anoti achasimudza mureza wenyika nemusi weChishanu apo achasangana naStumai Muki wekuTanzania mumutambo weRumble in Dar kunyika iyi. Madondo, uyo ari kusimukira…
Ndinotamba mitambo yekare: Ndlovu
Abel Ndooka MUTAMBI wenetball weGlow Petroleum Queens nechikwata chenyika chemaGems — Ursula Ndlovu — anoti mukukura kwake aifarira zvikuru mitambo yakasiyana kusanganisira yechinyakare yakaita semaflau nearawuru uye nanhasi achiri kuitamba.…
Covid yawondonga – GMAZ
Oliver Kazunga CHIRWERE cheCovid-19 chiri kudzosera kumashure mabasa ebudiriro eupfumi hwenyika anosanganisira kufambiswa kwechibage negorosi kubva kunze uko kunonzi kuri kononoka panguva iyo makambani anoona nezvekugaiwa kwezvirimwa izvi ari kutarisira…











