‘Hatimbopa vanhu mishonga yakaipa’

Nqobile Tshili VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasaterere mashoko ari kutaurwa nevamwe vakuru vemachechi ekuti mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines) une njodzi kuvanhu uye une chinangwa chekuda kuvakuvadzisa. Hurumende inoti iri kutora…

Regai kungodutira mishonga: Zinatha

Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha) riri kuyambira vanhu vari kutenga mishonga yechivanhu mumigwagwa vachinzi inobatsira pakurapa kana kurwisa zvirwere zvinosanganisira Covid-19 kuti vangwarire kutengeserwa mimwe inoguma…

Akadyiwa negarwe

Kingstone Mapupu MURUME aizama kuyambuka rwizi rwakazara kwaKandeya, kuMt Darwin, anonzi akafa mushure mekubatwa negarwe. Assistant Inspector Naison Dhliwayo – avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central – vanotsinhira…

Hatizivi pachadzoka nhabvu: PSL

Abel Ndooka SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti harizive kuti nhabvu yemuno ichatanga kutambwa rinhi sezvo pari zvino vari kumbotevedzera mitemo yakatarwa neHurumende yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. Kubva pakambomiswa mitambo…

‘Tinoda mitambo yechinyakare’

Abel Ndooka SANGANO reNational Association of School Heads (NASH) rinoti mitambo yechinyakare yakadai sehwishu, dunhu, tsoro, maflawu nearawuru yakakosha zvikuru mudzidzo yevana uye vane hurongwa hwekuti idzidziswe muzvikoro zvesekondari. Mutungamiriri…

Mamwe mabikirwo emaguru

Muchaneta Chimuka NYAMA yemaguru emombe husavi hunofanirwa nevakawanda zvikuru uye huri nyore kubika. Svondo rino Mai Tinashe Sochisi vekuKadoma vanotitsanangurira mamwe mabikirwo emaguru zvine musiyano. Zvinodiwa: Poto, chikari, pani, nyama…

Varimi zvidzivirirei kuCovid – ARDA

Muchaneta Chimuka SACHIGARO weAgricultural and Rural Development Authority (ARDA), VaIvan Craig, vari kuyambira varimi kuti vazvidzivirire zvakanyanya kubva kuchirwere cheCovid-19 apo vanenge vachiita mabasa avo. “Chirwere cheCovid-19 chiriko, asi kune…

Akanoitira tsvina pamba pa’pastor’

Kingstone Mapupu CHEMBERE yemubhuku raNyamunokora, kwaMambo Mutasa, kwaMutare inonzi yakamiswa mudare rasabhuku weko ndokubatwa nemhosva yekunoitira mukonde wetsvina pachivanze chemumwe mufundisi zuva rakacheka nyika. VaJosphat Mutasa (45), vanova munyori mudare…

Tasuwiswa zvikuru nerufu rwaSB Moyo

Tandayi Motsi MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti vasuwiswa zvikuru zvichitevera rufu rwegurukota renyaya dzekunze kwenyika nekutengeserana pasi rose, Dr Sibusiso Moyo, avo vashaya nechirwere cheCovid-19 mangwanani eChitatu chino. Vakafanobata chigaro…

Munhu wose zvidzivirire

Mukudzei Chingwere ZVICHITEVERA kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19, mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kwedenda…

×