Sekuru Friday Chisanyu vafa

Kingstone Mapupu SEKURU Friday Chisanyu — avo vange vari mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) — vashaya. Sekuru Chisanyu vakashaya nemusi weChipiri svondo rino mushure mekurwara…

Maonero Edu: Covid-19: Zvinhu zvanyangara

CHIRWERE cheCovid-19 chiri kupararira zvakanyanya munyika muno uye huwandu hwevanhu vari kufa nacho huri kukwira zuva nezuva unove mucherechedzo wekuti mamiriro ezvinhu haana kunaka zvisinei nekuti Hurumende iri kuedza nepainogona…

Roja rakazvisungirira mumba

Kingstone Mapupu MURUME wekuBindura anonzi akazvisungirira pamba paairoja nekuda kwechikonzero chisati chazivikanwa apo mutumbi wake wakazongowanikwa wakarembera mumba. Assistant Inspector Naison Dhliwayo — avo vakafanobata chigaro chemutaruriri wemapurisa kudunhu reMashonaland…

‘Musangochema asi zvishandirei’

Muchaneta Chimuka  PANGUVA iyo veruzhinji vari kuita sevanochema-chema nekuda kwematanho akatorwa neHurumende ekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, mumwe mudzimai anogara mumaAvenues, muguta reHarare, anoti bhizimisi rake…

Akafa achibika

Kingstone Mapupu MUDZIMAI aigara panzvimbo yemabhizimisi yeDotito, kuMt Darwin, anonzi akafa mushure mekubatwa nemagetsi apo aibika mumba make. Assistant Inspector Naison Dhliwayo, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central,…

Akazviuraya ‘chimoko’ chaenda nemukorokoza

Danisa Masuku MUKOMANA aive nemakore 17 okuberekwa aigara papurazi reSprings Farm, kuUmguza, kunze kweguta reBulawayo, anonzi akazvidamburira upenyu hwake panzira apo akazvikanda mudhamu ndokuny’ura mushure mekunge musikana wake amuramba ndokunodanana…

Mhenya yemukadzi yorambirwa kunaka

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekwaMambo Chireya, kuGokwe North — wekurambwa nemurume wake nekuda kwekunaka kwake uko aimutyira kuti angamutorerwe nevamwe varume — anonzi akazoroorwa kechipiri, asi ndokurambwa zvakare nekuda kwechikonzero chimwe…

Voviga nyama muwodhiropu. . . pasi pemagumbeze

Danisa Masuku VARUME vashanu vanogara mumusha weBurnside, kuBulawayo, vakasungwa nemhosva yekuuraya njiri – nguruve yemusango (warthog) – ndokuviga 20kg yenyama yacho muwodhiropu. Vasungwa vashanu ava ndiEmmanuel Matare (49), Tyran Shito…

Bembera Padare: Kusvitsa gore tiri Padare

naWedzerai Nhemachena TICHIRI munguva yekupemberera gore idzva kudai, tinokokwa tose kuti tipembererewo kuvambwa kweDare rino muKwayedza.  Dare rino sekuzivawo kwenyu, rinogara kamwe chete pasvondo richiongoorora nekupepeta nyaya dzinonetsa zvikuru mukutungamira…

Tsika nekuvigwa kwevakafa neCovid-19

Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vari kupa mafungiro avo akasiyana zvichitevera danho rakatorwa neHurumende rekuti vanhu vanenge vashaya nekuda kwechirwere cheCovid-19 vavigirwe munharaunda dzavanenge vafira senzira yekuderedza kutekeshera kwedenda iri. Kwayedza svondo…

×