Tichiri kuda kuenda kuCHAN: Zifa

Abel Ndooka MANEJA wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors — Wellington Mpandare — anoti vakanyorera kuHurumende vachikumbira mvumo yekuti vaende kuCameroon kunokwikwidza kumutambo weAfrica Nations Championship (CHAN) uyo unofanirwa kutanga nemusi wa16…

Vafa neCovid. . . Zim inhamba 2 muSADC

ZIMBABWE yave panhamba yechipiri pavanhu vafa nechirwere cheCovid-19 mudunhu reSADC apo kusvika nemusi weChipiri svondo rino huwandu hwevashaika nedenda iri munyika yose hwange hwasvika pa418.

‘Mushonga bedzi kugara kumba’ : Dr Mahomva

Muchaneta Chimuka DR Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere mitemo yakatarwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuburikidza nekugara…

Nzvimbo dziri kunetsa Covid

Munyori weKwayedza HURUMENDE svondo rino inotarisira kupedza kuita ongororo yemwedzi wose iri pamusoro penzvimbo dziri kunyanya kubatwa vanhu nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe. Ongororo yeNational Sero-Prevalence Survey for Covid-19 – iyo yakaitwa…

Vafa: Zim inhamba 3. . .S.A iri pamusoro

Tandayi Motsi ZIMBABWE mudunhu reSADC iri pachinzvimbo chechitatu pahuwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 apo kusvika nemusi weSvondo varwere 380 vakange vafa nedenda iri munyika yose. Kusvika musi uyu –…

Zviri kudiwa ne’lockdown’

Munyori weKwayedza HURUMENDE yazivisa nezvekudzikwa kwemutemo wekusimbaradzwa kwematanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCivid-19 kutanga izvozvi. Pasi pemutemo weStatutory Instrument 10 of 2021, Public Health (Covid-19 Prevention, Containment and Treatment) (National…

Covid-19: Zvinhu zvoshata . . . 774 vawanikwa vaine denda iri zuva rimwe chete

  Munyori weKwayedza VANHU 774 vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19, vamwe vatatu ndokufa nedenda iri nhasi bedzi hunova huwandu hunotyisa sezvo zvanga zvisati zvamboitika kubva patanga kuonekwa murwere wekutanga wedenda iri…

Mitambo yose yamiswa neSRC

Abel Ndooka SANGANO rinotungamira mitambo yose reSports and Recreation Commission (SRC) rakazivisa nyika kuti mitambo yose yakumbomiswa apo nyika yave kudzokera palockdown yechipiri. Zvichitevera zvirango zvakaiswa nehurumende nemusi weMugovera apo…

‘Mushonga ngauve wevanhu vose’

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti zvakakosha kuti mushonga wekudzivirira kubatwa nechirwere cheCovid-19 (vaccine) uwaniswe nevanhu vose vari panjodzi yekubatira denda iri, kwete nenyika dzakapfuma chete.…

Vashandi veutano vari panjodzi – WHO

Tandayi Motsi SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti rinoshushikana zvakanyanya kuti kunyangwe zvazvo vashandi veutano pasi rose vachisvika chikamu che3 percent pahuwandu hwevanhu, 14 percent vavo vari kubatwa nechirwere cheCovid-19…

×