Rwisai corona zvose neHIV
Muchaneta Chimuka MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga vanoti chirwere cheCovid-19 chadzosera kumashure budiriro yange yavepo mukurwisa HIV neAIDS nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho anomisa kupararira kwedenda…
Madungwe murwere, itsotsi
Kingstone Mapupu VAKURU vemachechi emuno nenyanzvi dzezvechivanhu vanoti mashoko ari kutaurwa naProphet Talent Madungwe — uyo anogara achiti anoshanyira Mwari paadira nekuita hurukuro uye nekuseva mundiro mumwe chete naye —…
UNZAI JEKISENI RECOVID-19. . . ‘Vanhu vongofa here?’
Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo Hurumende yasvika padanho repamusoro rekuona kuti mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccine) unge uchizowaniswa kuvanhu vemuno mugore riri kutevera, veruzhinji vari kugashira nemaoko maviri danho iri vachiti…
Byo yotungamira pavana vamitiswa
Thandeka Moyo-Ndlovu KOMITI yedare reParamende inoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari inoti dunhu reBulawayo rine vana vechikoro vakawanda vakaita pamuviri panguva yekunzi veruzhinji vagare kudzimba nekuda kweCovid-19 (lockdown) uye kana pakasatorwa matanho…
Maonero edu: Ngwarirai tsaona dzinouya Zhizha
MVURA pari zvino iri kunaya zvikuru kunzvimbo dzakawanda dzenyika izvo zvinoreva kutanga kwemwaka weZhizha uye varimi vari mubishi kudyara mbesa nekuita mamwe mabasa anofambirana nekurima. Kunaya kuri kuita mvura iyi…
Zvitupa zvenyu zvakawanikwa
Kingstone Mapupu CHIKAMU chemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) chinodyidzana neveruzhinji pakamba yeBudiriro, muguta reHarare, chinozivisa kuti vanhu vane mazita anotevera avo vakarasa zvitambi zvavo zvekutyaira motokari vaende kunozvitora pakamba iyi…
Bembera padare: Gava richadambura musungo
naWedzerai Nhemachena MUKUGARA kwedu mumisha, mumatunhu kana mumakambani edu, tinoona kazhinji vanhu vachiita mujaho vari voga. Vanoda kuti vave nechimuti ivo chete pane zvose zvavanoita. Vanoita izvi kazhinji nechinangwa chekuda…
Musavhunduke zvenyu: Hurumende
HURUMENDE inoti zvisinei nekuti chirwere cheCovid-19 chiri kunyuka muzvimwe zvikoro, huwandu hwenyaya dzerudzi urwu dzazivikanwa kusvika pari zvino huchakaderera nekudaro veruzhinji havafanirwe kuvhunduka.
Vobatsira nherera, vakwegura
VARUME vaviri vanozvidaidza nekuti The Fat and Furious — avo vane hurongwa hwekuchovha mabhasikoro kubva muHarare vakananga kuBulawayo senzira yekupemha mari — vari kubatsira nherera nevakwegura mumadhorobha nechikafu uye nezvimwe zvinodiwa mukudzivirira chirwere cheCovid-19.
Vana vosangana nemhirizhonga
SANGANO rinorwira kodzero dzevanasikana — reShamwari yeMwanasikana — riri kufamba kumativi ose enyika richiita zvirongwa zvekuchenjedza vana pamusoro pemhirizhonga yavanogona kusangana nayo panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 uye kuti vangaidzivirira sei.











