Voti mujaho we’wheelchair’ haubhadhare

Abel Ndooka
SHANGWITI yemujaho wewiricheya yechidzimai — Margaret Bangajena — onyunyuta kuti mari yavanohwiniswa kumijaho yakasiyana ishoma zvikuru sezvo isingakwane kuvararamisa muhupenyu hwavo.
Bangajena mumwe wemadzimai vanokwikwidza mujaho wewiricheya ane mukurumbira izvo zvamuona achihwina mijaho yakawanda yemuno neyekunze kwenyika.

Muhurukuro neKwayedza, Bangajena anoti sevamwe vatambi vanotarisira kurarama kubva mumutambo uyu.

“Isu tinogara tichikwikwidza mijaho yakawanda uye tichimhanya makiromita akareba 21 nevanhu vasina kuremara sesu asi tinohwiniswa mari dzakasiyana.

“Zvinhu zvinotibata nekuti isu pamari iyi ndipo pachabva yekutiraramisa kudzimba nemhuri dzedu uye kugadzirisa mawiricheya edu nekuti anofanira kugara akagadzirwa akasimba kuti tigokwanisa kunokwikwidza,” anodaro Bangajena.

Anoti gore rino range rakaoma kwaari nekune vamwe vanokwikwidza mumujaho wewiricheya sezvo vakatadziswa kuita mitambo yakawanda nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakaona mitambo mizhinji ichimbomiswa pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

“Chokwadi Covid-19 yakatiworora gore rino, takarasikirwa nezvizhinji. Vamwe vakaita sesu tinorarama nemari inobva kumijaho yatinokwikwidza, manje kana tisingakwikwidze hameno kuti tinodini.

“Mijaho yakawanda chaizvo yatakakundikana kuenda kunokwikwidza gore rino nekuda kwedenda iri. Asi zvedu tinoti chikuru hupenyu hwedu nehweveruzhinji uye tinofanira kugara takachengetedzeka nguva dzose kuti tisabatire coronavirus,” anodaro.

Bangajena anoti kunyangwe hazvo kusina mijaho iri kurongwa pari zvino, ari kugara achiita gadziriro dzake nechinangwa chekuti panozotanga mutambo uyu ange akagwinya.

“Mazuva ose ndiri kugara ndichiita gadziriro dzangu, gadziriro dzinoda kugara dzichiitwa kuitira panodzoswa mitambo tinge takagadzirira,” anodaro Bangajena.

Shasha iyi yakambohwina makwikwi akawanda kusangananisira menduru yegoridhe kuSouth Africa mugore ra2009 mumujaho weOuteniqua Wheelchair Challenge waive wakareba makiromita 42.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×