Vane Covid-19 vave kuwanda

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoshushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mumasvondo maviri adarika.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende, kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, iri kusimbaradza zvirongwa zvekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekutevedzera matanho akatarwa ekurwisa denda iri.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 8 945 vakange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 8 164 vakatopona asi vamwe 260 vakafa.

Vanhu 48 vakawanikwa vaine chirwere ichi nemusi weChipiri bedzi apo vaviri vakafa.

Mamiriro ezvinhu aya asiyana nenguva yadarika apo kwaipera kana svondo pasina munhu afa neCovid-19.

Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere ichi.

“Cabinet inoshushukana zvikuru kuti pane kukwira kwenyaya dzevari kubatwa neCovid-19 kwemasvondo maviri adarika.

“Senzira yekudzivirira kunyuka kweCovid-19 kechipiri muno, Hurumende — kuburikidza nebazi reutano nekurerwa kwevana — iri kusimbaradza nyaya dzekuita ongororo uye kufambiswa kwemashoko pamusoro pechirwere ichi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Pamusoro pezvo, pachave nekusimbaradzwa kwezvirongwa zvekupa chenjedzo munharaunda pachishandiswa vatungamiriri nedonzvo rekuona kuti matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kweCovid-19 ari kutevedzwa zvizere.”

Sen Mutsvangwa vanoti kudzidziswa kwevabatsiri munyaya dzeutano kuri kuenderera mberi pamusoro pezvavanotarisirwa kuita mukurwisa denda iri.

Vanoti panyaya yemidziyo yekudzivirira kupararira kweCovid-19, NatPharm nemakambani akazvimirira vane zvakakwana.

“Panyaya yekugadzirwa kwemidziyo nezvimwe zvinodiwa mukurwisa chirwere ichi nekuwanikwa kwayo, Cabinet inozivisa kuti NatPharm nemakambani akazvimirira vane zvinokwanirana kubvira pamishonga inodiwa maringe neCovid-19. Midziyo yemaPPE (Persornal Protective Equipment) iripo inokwanirana zvakare,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×