Nqobile Tshili
HURUMENDE iri kuita ongororo yemamiriro akaita zvinhu isati yavhura miganhu yenyika mukati memasvondo maviri ari kutevera sezvo donzvo guru riri rekuchengetedza upenyu hwevanhu kubva kuchirwere cheCovid-19, vanodaro mutevedzeri wemutungamiri wenyika Vice President Constantino Chiwenga.
Zimbabwe yakazivisa kuti miganhu yenyika ichavhurwa kune vedzimotokari nevanofamba netsoka kutanga nemusi wa1 Zvita.
Miganhu iyi yakavharwa kupera kwaKurume wegore rino kune veruzhinji senzira yekuedza kumisa kupararira kwedenda iri muno.
Pari zvino miganhu yenyika ichakavharwa kusara kwevemagonyeti anotakura zvakasiyana apo Hurumende iri kutora matanho ekuti nyaya dzekusimudzirwa kweupfumi hwenyika dzifambire mberi.
Panguva iyo Zimbabwe iine hurongwa hwekuvhura miganhu yayo, dunhu reMatabeleland riri kuona kuwanda kwenyaya dzevanhu vari kubatwa vaine Covid-19, vamwe vavo vachibva kunze kwenyika.
Nekune rimwe divi, South Africa yakatarisana nekukwira kwakanyanya kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi apo nyanzvi dzezveutano dziri kuyambira pamusoro pekunyuka kwedenda iri kechipiri.
Kazhinji kacho, zvinoitika kuSouth Africa zvinogona kurunzirawo zvinotora nzvimbo munyika muno uye nyaya dzeCovid-19 dzekutanga dzakawanda dzaiva dzevanhu vaibva nechirwere ichi kuSouth Africa.
VP Chiwenga — avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana — vanoti Hurumende iri kuongorora mamiriro ezvinhu nekuda kwenjodzi iripo yekunyuka kepiri kweCovid-19.
Vakataura mashoko aya apo vaipindura mibvunzo kubva kuvatori venhau nemusi weChina vari kuMakokoba, kuBulawayo uko vaiparura chirongwa chechikwata chevanofamba nemabhasikoro vachipa veruzhinji chenjedzo pamusoro pedenda iri.
Vakabvunzwa kuti hazvina njodzi here kuti miganhu yenyika ivhurwe panguva ino apo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 hwava kukwira.
Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 8 829 muZimbabwe vainge vawanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19.
Pavarwere ava, 8096 vakatopona asi vamwe 257 vakafa.
VP Chiwenga vanoti mutungamiriri wenyika President Mnangagwa, vachiwana mazano kubva kunyanzvi dzezveutano, vachazivisa nyika maringe nekuchengetedzwa kweutano panozovhurwa miganhu yenyika.
“Tichange tichiongorora mamiriro ezvinhu tichitarisa nyaya iyi (huwandu hwevari kubatwa neCovid-19). Chinhu chimwe chete chamunofanira kuziva ndechekuti patakavhara miganhu yenyika, hatina kumbobvira tavhara nyaya dzekutengeserana. Paive nezvekufambisa asi izvi zvaive bedzi zvekuti upfumi hwenyika huenderere mberi.
“Tichange tichitarisa nyaya iyi (yekuvhurwa kwemiganhu) zvakadzama uye veruzhinji vachaziviswa,” vanodaro VP Chiwenga.
Vanoyambira pamusoro penjodzi yekunyuka kepiri kwechirwere ichi kana veruzhinji vakashaya hanya nekutevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19.
VP Chiwenga vanoti kushaya ruzivo, kuramba kutambira mamiriro akaita zvinhu nemafungiro asiriwo zvinogona kukonzera kuti vanhu vabatwe neCovid-19.
Hurumende ichazivisa kuti zvinhu zvichange zvichifamba sei kana miganhu yenyika yavhurwa, asi svondo rapera dare reCabinet rakatsanangura mitemo inofanirwa kutevedzwa nevanhu vari kudzoka kubva kuSouth Africa yeStandard Operating Procedures (SOP) pamuganhu weBeitbridge Border Post.
Pasi pemutemo uyu, mabhazi ose ari kutakura vanhu vari kudzoka kubva kuSouth Africa anofanirwa kutanga apihwa mvumo nehofisi inomirira Zimbabwe kunyika iyi.
Vanhu vari kudzoka ava nevashandi vemumabhazi vanofanirwa zvakare kuve nemagwaro avanenge vatora mukati memaawa 48 vasati vasimuka anoratidza kuti havana Covid-19.



