Watibaya panyama nhete, Gringo

 naOscar Gwiriri

Pamazuva iwayo, kana zuva iroro rasvika,

Tainonokerwa nekudoka kwaro zuva.

Kana zuva razopinda muna mai varo,

Tainonokerwa nekutanga kwechirongwa,

Tiri kwati kwati pafafitera remuvakidzani,

Takavhurirwa jira zvishoma neshamwari yedu

Kuti tionewo kushereketa kwako iwe Gringo.

Takaungana ipapo pafafitera muchivande,

Taidakadzwa tichisekera mumatundundu,

Pototi pfiku, shamwari yedu yoti cheu kwatiri.

Tikaona yafinyamisa uso, toziva tichazokonororwa,

Potse potse kuvharirwa jira riye, tozoudzirwa.

Asizve, hazvaigoneka nemaitiro enyu aye

NaMadhumbe, Phirimoni, John Banda naTobby.

Ukuwo, Baba naMai Gweshegweshe

Nevamwewo, muchingotemesana-temesana misoro,

Isu tichingopfipfinyika-pfipfinyika tichidongorera.

Pane pawakazo . . . ha-a ipapo, isu takabvaruka kuseka,

Shamwari yedu ndokuti wa-a mucheka wefafitera,

Ndokusara takangoti atsama miromo nekutsamwa.

Nhasizve, tasara takangoti atsama miromo nekushama,

Zvino zvawaenda kudai tozokuonerepi zvakare nhai Gringo?

Ndange ndichiti sezvo ndakura, ndichatengawo chivhitivhiti

Ndozotengawo mafirimu ako kwauri, kwete mumugwagwa,

Ini ndichipedzawo shungu, iwe uchichengetawo mhuri.

Zvino iwe ndopowoti pori, nzve-e saTiki wemubhaisikopo,

Uchisiya watibaya panyama nhete zvakadai, nhai Gringo?

Heya, ndiko kunonzi kufa kwacho kunotirwadzisa kudai?

Ewoni mukoma Lazarus Boora, zororai zvenyu murugare!

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×