Simbisai hondo yeCovid: WHO

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti zvakakosha kuti hurumende dzisimbaradze zvirongwa zvekurwisa chirwere cheCovid-19 panguva iyo denda iri riri kunyuka zvakasimba kechipiri kumatunhu anosanganisira Europe neNorth America.

Simbisai miviri

Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa mumujaho wekumhanya wemarathon — Abel Chimukoko — anoti zvakakosha kuti vanhu vagare vachiita mitambo yakasiyana yekuchengetedza miviri yavo sezvo zvichibatsira kuti vasabatwe nezvirwere zvakasiyana. Chimukoko, uyo…

Ndiri kutamba yese-yese: Mambare

Abel Ndooka AIMBOVE mutambi wemaWarriors, Dynamos FC, Highlanders neMotor Action — Masimba Mambare — uyo akasendeka shangu dzake dzenhabvu gore rakadarika anoti iye zvino ave kungoita “yese-yese” kuti ararame muhupenyu…

Budiriro yauya kuMbire

Kingstone Mapupu KANZURU yeMbire Rural District Council kudunhu reMashonaland Central inonzi iri kusimukira muzvirongwa zvebudiriro zvinosanganisira kuvakwa kwemadhibhi nezvikoro kukuburikidza nekushandisa mari yehomwe yakabva kuHurumende yeDevolution Fund. Sachigaro wekanzuru iyi,…

Zvirango zvehupfumi ngazvibve

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira vemabhizimisi kwaSeke, reSeke Constituency Business Development Trust, kuMashonaland East rinoti zvirango zveupfumi izvo zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzekumavirira zvinofanirwa kubviswa sezvo zvakonzera matambudziko akawanda kuvanhu vemunyika…

Kurima munda zvakanaka

naWendy Madzura PAKURIMA mumunda, varimi vanofanira kucherechedza kutenuka kunenge kwakaita munda (slope). Musarima pamunda wakanyanya kutenuka nekuti zvinoita kuti ivhu rikukurwe nemhepo kana nemvura (erosion). Kana muchirima, zvakakosha kutevedza ma”contour…

Kubatsirwa kwevanoshungurudzwa pabasa

Rutendo Shamaine Magadzire KUSHUNGURUDZWA nenzira yakarerekera kubonde (sexual harassment) kwakaipa uye kunosanganisira kubatwa, kutsvodwa kana kutaurirwa mashoko ari maringe nechimiro chemuviri wako kana matarisiro asingakufadzi. Kana munhu achinge achisangana nematambudziko…

Tiri kuda mamasiki

Tandayi Motsi HURUMENDE inoti midziyo nezvimwe zvekushandisa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 zviripo zvinokwanirana uye zvakadai semamasiki anoshandiswa kamwechete achibva araswa nemushonga wekuzora maoko wemasanitiser zviri kudiwa zvakanyanya zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro.…

Zvidzivirirei, Covid iriko

Muchaneta Chimuka MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga — avo vanovazve gurukota rezveutano nekurerwa kwevana — vari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachipfeka mamasiki nemazvo uye vachitevedzera mamwe matanho ose…

Maonero Edu: Musape mukana kudenda reCovid

KUBVIRA mumwedzi waKurume gore rino, Zimbabwe, sedzimwe nyika dzepasi rose, iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19. Hurumende, ichibatsirana nemapoka akasiyana, iri kutora matanho akasimba zvikuru nechinangwa chekumisa kupararira kwedenda iri. Covid-19…

×