Homwe yokurwisa chirwere cheCovid
Muchaneta Chimuka SANGANO reMédecins Sans Frontières (Doctors Without Boarders) (MSF) rakaumba homwe yekubatsira nyika dziri kunyanya kutambudzwa nechirwere cheCovid-19. Angela Makamure, anova media liaison co-ordinator kusangano iri, anoti kusvika pari…
Munetsi obatsira vanoshaya
Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors nechikwata cheStade de Reims chekuFrance, Marshall Nyasha Munetsi, ari kubatsira vagari vemumusha weMabvuku, muHarare, vanotambura nekuvatengera chikafu nezvimwe panguva ino yekurwisa Covid-19. Mhuri dzinosvika 70…
Marata epachikoro akatenga ma’mask’
APO zvikoro zviri kugadzirira kuvhurwa, mumwe mukuru wechikoro chiri kuChipinge anonzi akatengesa marata nezvimwe zvinhu zvaive zvakashandiswa kupfiririsa matenga edzimba nhatu dzekufundira achida kuunganidza mari yekutenga mamasiki ekupfeka kumeso.
Vana vobatsirwa kudzivirira Covid
SANGANO reKidzCan rakabatsira vana vanotambudzwa nechirwere chegomarara pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nezvinhu zvekudzivirira kutapurirwa chirwere cheCovid-19, chikafu nezvimwe zvinokosha US$10 000.
Mahwindi obatsirwa
Kingstone Mapupu KAMBANI yePower Giants Private Limited yakatanga chirongwa chekubatsira mahwindi nevatyairi vemakombi kuti vakwanise kurarama panguva ino apo makombi akambomiswa kufamba neHurumende sedanho rekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Pasi pechirongwa…
Mabhazi evana vechikoro
Munyori weKwayedza KAMBANI yeZimbabwe United Passenger Company (Zupco) ichapa mabhazi ekutakura vana nevarairidzi pachavhurwa zvikoro svondo rinouya nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Danho iri riri kutorwa nedonzvo rekuona kuti utano…
‘Curfew’ ichiriko
Munyori weKwayedza MUTEMO unorambidza veruzhinji kufamba-famba kubva nenguva dza8 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani (curfew) sedanho reHurumende rekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uchiriko zvisinei nekunyevetswa kwakaitwa nguva dzekuti vemabhizimisi vashande. Nguva dzekuti…
Akavigwa husiku . . . ‘Mutumbi ngaufukunurwe’
Liberty Dube naLuthando Mapepa MUDZIMAI wekuChipinge ari kudya marasha achida kuti mutumbi wemwanasikana wake — uyo unonzi wakavigwa husiku masvondo matatu adarika nenzira isinganzwisisike — ufukunurwe zvichitevera kusawirirana kuripo nevakuwasha…
‘Devolution’ inounza budiriro kumatunhu
HURUMENDE yakatanga chirongwa chekupa masimba munyaya dzekusimudzira budiriro kumatunhu ose gumi emuZimbabwe nechinangwa chekuti ave nechekuita mukusimukira kweupfumi hwenyika yose. Chirongwa ichi chinozivikanwa nekuti Devolution uye chiri kuona matunhu akawanda…
Muchinda tasa arambwa
Kingstone Mapupu MAPURISA ari kukurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuzviuraya kana vachinge vasangana nematambudziko asi kuti vatsvage vayananisi semafundisi kana ivo mapurisa. Izvi zvinotevera nyaya yemukomana wemakore 18 okuberekwa airoja…










