MAONERO EDU: N’anga, maporofita vapesanisa mhuri
SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru, yevarume vatatu vemhuri imwechete vekwaMutambara, kuChimanimani, avo vari kupomerwa mhosva yekuponda babamukuru wavo vachiti ndivo vaikonzeresa matambudziko avari kusangana nawo semhuri.
Bembera Padare: Usarasike, ita rako basa
KANA vanhu vachifamba rwendo rwavasingazive kuti vari kuenda kupi, vachinoitei ikoko kwavari kuenda, nokuti ndiko kwakatarisa tsoka dzavo, manhenda vadzoka vanhu ivavo. Mune kumwe kutaura vanhu ava vanonzi vatatarika.
Vakawanda vari kupona Covid-19
ZIMBABWE iri pakati penyika dzemuAfrica dzine vanhu vakawanda vari kupona kuchirwere cheCovid-19 kuburikidza nekutora matanho akasimba ekumisa kupararira kwedenda raparadza pasi rose iri.
Matanho anyevenutswa
VANHU vemuZimbabwe vari kubva kunze kwenyika vanenge vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mukati memaawa 48 vasati vadzoka muno, kubvira nemusi weChishanu chadarika vari kutenderwa kuenda kudzimba dzavo vonozvichengetedza pavo voga kana vachinge vawanikwa vasina denda iri.
Zvibhorani 800 zvovandudzwa
MUKURU wemadzishe kudunhu reMashonaland Central, Mambo Nembire VaClemence Nyabvudzi, vari kurumbidza chirongwa cheHurumende chekuvandudza zvibhorani zvinosvika 800 zvemudunhu iri uyewo nekuchera zvimwe zvitsva hunova hurongwa huri kubatsira kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 nekuwanisa veruzhinji mvura yekushandisa yakachena.
Ungati ndiyo mvura iri kushaikwa nevanhu iyi . . . ?
Mvura iri kungofashuka kurasika mumapombi akaputika zvekusvika pakujenga ichiita “madziva” mumugwagwa Walnut, mumusha weSunningdale 3, muHarare panguva iyo vagari vemuguta guru iri vari kutambura kuti vaiwane. – Mifananidzo naAbel Ndooka
MHCC yovhura muzinda maererano neCovid-19 kuEpworth
Bazi rezveutano nekurerwa kwevana svondo rino rakavhura muzinda uchange uchiwanikwa mashoko ari pamusoro pechirwere cheCovid-19 nemamwewo matenda kuEpworth nechinangwa chekuti veruzhinji vawane ruzivo rwunovabatsira mukuzvidzivirira. Izvi zvichaita kuti vanhu vawane mashoko echokwa kwete kungopihwa manyepo.
Obuda honye dzine miswe: ‘Ini ndinoti kuroyiwa’ ‘Zvichida igomarara’
MUDZIMAI anogara mumusha weHatfield, muHarare, anoti any’enga mazironda asingapore kusikarudzi yake ayo anodhubhuka kubuda hurwa nehonye zvinonhuhwa.
Gomana rochiva amai: ‘Anondipindira mubhedhuru’ ‘Orara pamudhedha wangu’ ‘Pamwe pacho ondikikiritsa’
MURUME wekwaMutare ane makore 32 okuberekwa ari kupomerwa mhosva yekuchiva amai vake vekumubereka zvekusvika pakuda kuvaita mudzimai sezvo achimbowanikwa “akatotyora” zvake pamubhedha wavo uye dzimwe nguva anorara achivagogodzera kuti vamuvhurire mumba mavo mavanenge vakavata.
Mbudzi yodya nyama, mapfupa
MBUDZI inonzi yakatetereka nenyika iri kugara panzvimbo yemabhizimisi eChako, kuMt Selinda, kuChipinge ichizviraramira yoga kwemakore mana adarika uye inofarira zvikuru kutsenga mapfupa enyama.











