Kakomana kanetsa ne’motor-cross’
SHASHA yechidiki yemujaho wemotor-cross Emmanuel Bako (13) inoti inoshuvira zvikuru kuti rimwe remazuva izopihwa chiremerera chekuve shangwiti munyika muno mune zvemitambo.
Zvekuita muCovid: Kwinji 15
MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Sithethelelwe “Kwinji 15” Sibanda, anoti ari kugara achikurudzira vatambi vechikwata chake kuti vasavarairwe vari kudzimba dzavo asi kuti vaite gadziriro nguva dzose kuitira panodzoka mutambo uyu.
Chimuka akatora mibairo
VATORI venhau vanoshandira kambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimpapers vakakumba mibairo pamakwikwi echikamu chepiri ekunyora nhau dzezvekurima (2nd Edition Zimbabwe Agriculture Media Awards (ZAMA) ayo akaitwa muguta reHarare svondo rapera achitsigirwa nesangano reZimbabwe Agriculture Society (ZAS).
Chibage chekugocha chitubu chemari
VARIMI vemadiridziro ekwaRupike, mudunhu raMambo Nyajena, kuMasvingo voita madanha pamwe nekunzwa manyukunyuku vachirima mbeu dzakauchikwa nekambani yavo yeSeed Co idzo dzavanoti vanodada negoho rinobuda padziri.
Maonero Edu: Mhirizhonga iyi ngaipere
NYAYA dzine chekuita nemhirizhonga yemudzimba dzinonzi dziri kuwanda panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19
Bembera Padare: Iva mubereki anoyemurika
KANA vanhu vari parwendo, asi vasingasvike, vanokahadzika kuti kwavari kuenda chaiko ndekupi nokuti vanenge vachiona vachitenderera kana kutsokodzera panzvimbo imwechete.
Vakaremara vari kubatsirwa
Vanhu vakaremara mitezo vanogara mumusha weDzivarasekwa, muguta reHarare, vari kuwaniswa hupfu kuburikidza nechirongwa chiri kuitwa nesangano rakazvimirira reThe Faith, Love and Hope Community Trust rakabatana nedura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB).
Gokwe: Vana voroodzwa
Madzimambo ekuGokwe, kudunhu reMidlands, vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Covid-19 nevakaremara
Muchaneta Chimuka SANGANO reZimbabwe Parents for Handicapped Children (ZPCHA) rinoti vanhu vakaremara mitezo vari kusangana nematambudziko panguva ino yekurwisa kupararira kweCovid-19 sezvo rubatsiro rwavaisiwana rwusisiri kuuya sakare. Mai Theresa Makwara,…
Ogara nevana mugadheni
Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekwaMutare ari kurarama upenyu hunosiririsa sezvo ava kugara nevana vake vana vari pasi pemakore gumi ekuberekwa mubindu mushure mekunge adzingwa pamusha wake nehama dzemurume dzichimupomera kuita chipfambi.…











