VOCHAYA MAPOTO KUYUNIVHESITI

PANGUVA ino yekuoma kwezvinhu munyika, vamwe vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vanonzi vave kugarisana “sababa naamai” mudzimba dzekuroja.

Akapisira mudzimai magwaro edzidzo

MUDZIMAI wechidiki anodzidza paHarare Polytechnic College anoti akagurwa kunorira nemurume wake zvichitevera kumupisira kwaakaita magwaro ake eO- neA-Level achiti anoda kumupfidzisa sezvo ava kumushainira nekuti adzidza.

Otevera nemukanwa

Mudzimai wechidiki anogara kuUnit H, kuChitungwiza, anoti haasisina rugare mukurarama kwake zvichitevera mashura ari kuitika kwaari ekutevera munguva yake nemukanwa.

‘Ipfambi asi ndinomuda’

VANHU vaive mudare vakakashamisika apo murume harahwa anogara mumusha weDzivaresekwa, muHarare, akati mudzimai wake ari kuita chipfambi uye anounza zvikomba zvake pamba pavo asi anongomuda zvakadaro.

‘Ndakaramba kurara nen’anga’

MUMWE mupurisa akashaya pekupinda nenyadzi mudare mushure mekufumurwa nemudzimai wake kuti akaramba kurara nen’anga yakange yatorwa nehama dzake achinzi yaive nzira yekusimbisa mbereko kuti asarambe achibara vana vachifa.

Maporofita enhema obatwa kuChi-town

MUDZIMAI ane makore 24 ekuberekwa uyo anofamba achizviti muporofita weJohane Masowe akazoigochera pautsi zvichitevera kufumurwa kwaakaitwa mushure mekubvisa chikwambo chemanyepo pamba peimwe chembere ndokuzoitsotsa mari yayo.

Rangarirai kwamakabva — Shortcat

JAPHET “Shortcat” Mparutsa anoti zvakakosha kuti  shasha dzakambonetsa mumitambo yakasiyana dzidzorere kunharaunda kuburikidza nekusimudzira vechidiki nevamwe vanotambudzika.

MAONERO EDU: Handi nzara, chipfambi

SVONDO rino tine nyaya inorwadza zvikuru yevadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro zvemayunivhesiti nemakoreji avo vanonzi vamwe vavo vari kuchaya mapoto kudzimba dzavanenge vachiroja vachienda kuchikoro.

Hatidi zvakadaro: Prof Murwira

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende iri kuedza nepose painogona kubatsira vadzidzi vekumayuvhesiti nemakoreji uye haikurudzire tsika dzakashata sekuita echipfambi muzvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi.

Chipfambi chiriko: Zicosu

SANGANO rinomirira vadzidzi vekumayunivhesiti, makoreji nevari kufundira mabasa emaoko, reZimbabwe Congress of Students Union (ZICOSU), rinoti riri kushushikana nekuda kwezviri kuomera vadzidzi panguva ino.

×