Mwana akafira ‘cooking oil’
MURUME wekuPenhalonga ari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku mushure mekutiza mhosva yaari kupomerwa yekurova muzukuru wake zvakaipisisa izvo zvakazokonzera kuti afe apo akange agubhura netsaona bhodhoro remafuta ekubikisa.
Tava kutora matanho: Dr Chonzi
MUKURU kubazi rezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vava kuzotora matanho zvichitevera kuwanda kuri kuita masalon ari kushanda zvisina hutsanana achiisa utano hweveruzhinji panjodzi.
Usadherere misoro yehuku
MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
Hochekoche yeHIV nema‘salon’ …Zvigero, kiroshi netsono hazvisi kushambidzwa
VANOITA basa rekugadzira nekugera vhudzi mumisoro yevanhu zvose nekushongedza nzara vanonzi vari kubatsira pakutapurira zvirwere sezvo vasina michina kana mishonga muma”salon” avo yekuuraya utachiona kana kushambidza zvigero, makiroshi, tsono nezvimwe zvavanosevenzesa (sterilisation).
Kuda anoda hondo
Munyaradzi Gunduza MUSORO webhuku iri unotsigirwa nevatambi vakasiyana-siyana. Kuda kufarira chinhu. Muhondo zvinhu kana zviitiko zvaiwanikwa munguva yehondo yeChimurenga. Kupinda kunoita Kuda muhondo yeChimurenga achirwira rusununguko rweZimbabwe kunoratidza kuti akanga…
MAONERO EDU: HIV/AIDS: Ziva chaipo paumire
SVONDO rapera takaburitsa nyaya iri pamusoro pahwindi mukuru wemuguta reHarare, uyo anoti vamwe vake vaanoshanda navo mubasa iri vari kupera neHIV neAIDS nekuda kwekutadza kuzvibata mukurarama kwavo. Sekutaura kwaSolomon Mandela…
Mhinduro dzezviperengo
SVONDO rapfuura takaita mibvunzo yezviperengo apo waisungirwa kuziva mazita ezvinhu pamwe nekupa zviperenga zvemazita acho zvakanaka. Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo.
Potorwa matanho ekupedza kufoira
HURUMENDE inoti icharamba ichivandudza zvikoro zvekumaruwa nechinangwa chekuti vana vadzidzire munharaunda yakanaka zvinozoita kuti vabudirire.
Mupurisa osungirwa kubata chibharo
MUPURISA weZimbabwe Republic Police (ZRP) anonzi akabata chibharo mumwe mudzimai uyo aida kubatsirwa.
‘Ndinongoda murume bedzi’
MUDZIMAI anogara mumusha weBudiriro 5, muguta reHarare, akasiya vanhu vaive mudare vasina neremuromo apo akati haana basa nekubuda kwakaita murume wake mumba achinogara nemumwe mukadzi asi chikuru chaanoda iye kupihwa bonde bedzi.








