Mupurisa osungirwa kubata chibharo

Muchaneta Chimuka

MUPURISA weZimbabwe Republic Police (ZRP) anonzi akabata chibharo mumwe mudzimai uyo aida kubatsirwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Ichokwadi, tine mupurisa ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo mumwe mudzimai wekwaMachipisa (muHarare) uyo akanga achida kubatsirwa panyaya yake yekudzingwa pamba paanogara nemuridzi wemba. Zvinonzi mushure mekumubata chibharo kekutanga, mupurisa uyu akazoda zvakare kubata mudzimai uyu chibharo kechipiri,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti zvinorwadza uye kushoresa kuti mupurisa — uyo anofanirwa kunge achichengetedza mutemo — awanikwe achiita mabasa akaipa kudai.

“Zvinhu zvatisingatarisire kumapurisa edu. Tinoramba tichiyambira mamwe mapurisa kuti kana muchiita basa renyu, riitei nemazvo uye nemweya wekubatsira veruzhinji kwete kumbunyikidza vamhan’ari vanouya vachida rubatsiro nekuti mutemo hauzoregedza kana ani zvake,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti mupurisa ari kupomerwa kubata chibharo anotarisirwa kupinda mudare.

Mupurisa uyu — uyo anogara kuGlen Norah Camp — anonzi nemusi wa16 Nyamavhuvhu gore rapera, akafonera mumhan’ari nenguva dza1800hrs achimuti auye kuhofisi yake kwaMachipisa Police Station uko anoshandira kuti vachitaura nezvemagwaro ekudzingwa kwake pamba nemuridzi wemba.

Mumhan’ari anonzi akabva aenda kukamba uko akawana muridzi wepamba paanoroja ariko.

Mupurisa uyu anonzi akabva audza muridzi wemba kuti adzokere zvake kumba.

Anonzi akataurira mudzimai uyu kuti kuti iye amubatsire panyaya yake yekuti asadzingwa pamba, anofanira kutanga ashinha naye.

Mupurisa uyu anonzi akazoenda nemudzimai uyu kumba kwake kuGlen Norah achibva ashinha naye, mushure mukadzi uyu ndokuenda kumba kwake asi haana kumhan’ara nyaya iyi.

Nomusi wa19 mwedzi wekare, mupurisa uyu anonzi akadaidza mumhan’ari kwaanoshandira achibva atanga kumukumbira kushereketa naye asi akaramba.

Muzuva rakatevera, mupurisa uyu anonzi akazotanga kufonera mudzimai uyu achimutyisidzira kuti aizobatsira muridzi wemba kuti amudzinge pamba paanogara uye akaramba achiita izvi kusvika nemusi wa30 Ndira gore rino.

Mudzimai uyu akazoita zvivindi achibva aenda kwaMachipisa Police Station uko akanokumbira kuona officer-in-charge ndokumhan’ara nyaya yake zvikaita kuti mupurisa uyu asungwe.

Mudzimai uyu akazopihwawo magwaro ekuti anovhenekwa nemachiremba.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *