‘Parafini haibvise utachiona’

VOTAURAWO nezviri kuitika, Dr Takudzwa Mutsvanga, avo vanova chamangwiza weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute, vanoti vanogera misoro kana vanoshandisa zvine chekuita nesimbi mukugadzira misoro vanofanirwa kutevedzera zvinodiwa maringe nekuuraya utachiona pamwe nemishonga chaiyo inoshambidza zvigero nezvimwe.

‘Mhanzi ngaipe dzidziso yakanaka’

UMALI Jawad muimbi wemusambo wePansula, Traditional neSungura anoti mhanzi yakakosha zvikuru muraramo yevanhu nekudaro vaimbi vanofanirwa kuimba nziyo dzinopa dzidziso yakanaka kune veruzhinji.

N’anga, maporofita vorwisa gukuravhu

MASANGANO anomirira machiremba echivanhu munyika muno eZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) neZinatha akaparura zvirongwa zvekuchengetedza masango nekuvandudzwa kwevhu kumatunhu ose enyika nedonzvo rekurwisa gukuravhu iro riri kukonzera kuzara kwenzizi zvichidzosera mabasa ekurima kumashure.

Murume orara mumota mukadzi ari mumba

MUSHANDI wekanzuru yeHarare anogara kuLetombo Park anoti ave kugara mumotokari mushure mekudzingwa nemudzimai wake mumba yebasa.

Hutungamiri pabasa

KUBVIRA patanga Bembera Padare, zvizhinji zvataurika zvange zvakanangana nevatungamiri mudzimba, mumakambani pamwe chete nevanotungamira mapazi akasiyana-siyana ehurumende. Shungu yedare rino ndiyekuti kana hunhu hwevakuru hukatwasuka, hazvichanetsa kuti vadiki vatevedzere hunhu hwakanaka uhu.

Vanhu vaneta nekupusiswa, nekuitiswa

“KUNAMATA kwakanaka, asi chandisingade machechi nemaporofita azara munyika.” Kutaura kwakadai kwawanda munguva dzino, kunyanya mune vechidiki.

Akapondwa ndokupiswa

MAPURISA ari kuferefeta nyaya yemurume anonzi akawanikwa akafa uye akapiswa muviri wake pedyo neRowan Martin Building muguta reHarare.

Oita nhetemwa nekurohwa

MUDZIMAI wemuHarare anoti ave nedambudziko rekugara achibvunda muviri wake wose — nhetemwa — kunyanya maoko uye kungovhunduka-vhunduka mushure mekugara achirohwa kwemakore akawanda nemurume wake.

Ziva nezvembwa inonzi Pitbull

MASVONDO maviri adarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya inosiririsa yemurume anga achishanda paimwe imba iri kuMt Pleasant, muHarare, uyo akafa nekurumwa nembwa yerudzi rwePitbull.

‘Handichada varume vevanhu . . .’ ◆Small house yobuda majuru

Kingstone Mapupu “NDIRI kubuda majuru achindiruma. Handina rugare kubva pazvakatanga gore rakapera. Ari kukonzeresa izvi ndinomuziva, mudzimai wekuBeatrice uyo wandakatorera murume wake ndikatiza naye tikanogara kuWaterfalls. Ndiye akandigadzira nekuti akagara…

×