Maticha ngaagare tatata – Mathema
Nqobile Tshili ari kuBULAWAYO ZVICHEMO zvematicha zvavari kusangana nazvo mubasa ravo zvinofanirwa kugadziriswa nechinangwa chekuti vashande nemazvo, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema vanodaro. Ambassador Mathema vakataura mashoko aya…
Rimai mbambaira sebhizimisi — ZFU
Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira varimi kuti vatore kurima mbambaira sebhizimisi sezvo isingade zvakawanda mukuirima, inotirira kuzuva uye ichipawo mari zhinji. ZFU executive director VaPaul Zakariya vanoti…
‘Paridzai Mwari, kwete mari’
Malven Mugadzikwa VAIMBI vari kusimukira mumusambo wechitendero, vanoti chinamato chinofanirwa kudzokera pakare apo kwainamatwa muzvokwadi pasina kunyepera veruzhinji neminana nezvishamiso. Vaimbi ava, Taziva Mbwizhu naNamatai Chirere veNamtazz Music — avo…
Mukuwasha akatizira
Nyasha Bvudzijena MUKUWASHA wekugara pamba paambuya vake — asi asina kubvisa kana chipeneti zvacho seroora — ava kurambira pamusha apa achiti amai vemusikana wake ndivo vakamushevedza kuti azogara navo saka…
‘Izvi hazviitwe, zvinoshura’
Munyori weKwayedza ZVINOSHURA kana kuyera patsika dzevanhu vatema kuti munhu agare nebhokisi rekuti agozovigirwa kana achinge afa. Vanoziva nezvetsika idzi vanoti hazvitombotenderwa kuti munhu azvigadzirire nekuzvichengetera bhokisi raanozovigirwa. Mukuru weZinatha,…
Vanhukadzi vosimudzirwa nemabhindauko
Daphne Machiri SANGANO rakazvimirira reShamwari Yemwanasikana iro rinorwira kodzero dzemadzimai pamwe nevanasikana rosimudzira raramo yavo kuburikidza nemabhindauko anosanganisira kuvadzidzisa kufusha michero nemiriwo iyo vanozotengesa vachizviwanira mari. Chirongwa ichi chakapururwa zviri…
Mubairo hutu neZimpapers
Rudo Muchedzi KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, yakawana mubairo weSustainable Development Goals (SDG) and Community Impact Award kuchirongwa cheNational Responsible Business and Corporate Social Responsibility Awards icho chichangobva…
Akarohwa nemheni achangopedza Fomu 4
Liberty Dube MWANA anga achidzidza pachikoro cheNyamauru High School chiri kwaMutare uyo ainge achangobva mukupedza kunyora bvunzo rake reFomu 4 akarohwa nemheni akafa apo akanga ari munzira kuenda kumba nemusi…
A-LEVEL ― ngano dzamatambidzanwa: Kuimba nengano
Munyaradzi Gunduza SVONDO rino tinopedzisa mubvunzo uyo watakatanga svondo rinouya. 5. Tsanangura zvinogutsa kuti nziyo dzaiita basa rei mungano uchishandisa ngano dziri mubhuku iri. [25] Mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba…
Zvinobata hazvingoerekana zvakuti dzvi
WAFAMBA mbiri Peshi, asi wafamba mbiri yakadhakwa semadhadha ari kufamba mumadhaka. Peshi ndiwe uri kutrenda paSocial Media nekuti vanhu vari kukutaura. Wakabuda muSocial Media uchinzi wakaenda kuzvidzidzo usina kupfeka, asi…









