‘Coach wemaWarriors mutsva munaNdira’

SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti richatanga kutsvaga murairidzi mutsva wemaWarriors munaNdira apo pachange papera kondirakiti yaJoey “Mafero” Antipas uyo akafanobata chigaro chekurairidza chikwata ichi.

Anoita ‘gochi-gochi’ yembwa… ‘Ndinogona futi kudya munhu’

MUNYAYA inoshamisa zvikuru, murume anogara mumusha weSizinda, kuBulawayo, ari kunzi akauraya imbwa yake, ndokugocha nyama yacho iyo akatetena kudya pamberi pevavakidzani vake, ndokuzovatyisidzira achiti anogonawo kuvaponda – odyazve nyama yavo.

‘Ngwarirai nyoka mudzimba’

VERUZHINJI vari kuyambirwa kuti vangwarire nyoka mudzimba dzavo nemunharaunda zvichitevera kunyanya kupisa kuri kuita kunze izvo zvinokonzera kuti dzibude mumaguru nemumwena dzichitsvaga nzvimbo dzinotonhorera.

Mhuka dzauraya vanhu 22

VANHU 22 munyika yose vanonzi vakafa mushure mekurwiswa nemhuka dzesango uyewo nzou 55 ndokufa nenzara nenyota kumasango anochengetwa mhuka eHwange National Park kubva pakutanga kwegore rino kusvika pari zvino.

‘Mishonga yechivanhu inokosha’

DR Portia Manangazira, avo vanova director wechikamu cheEpidemiology and Disease Control kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti varapi vechivanhu vanofanira kuita tsvakurudzo pamishonga yavo kuti ikwanise kuzoiswa mumazita avo kana ichinge yaonekwa kuti inoshanda.

Voita zvinorova papurazi

PURAZI reSongore riri mumugwagwa unobva kuHarare uchienda kwaMurehwa nekuNyamapanda pedyo nepaBhora, kuGoromonzi rorerutsira vagari veko pamwechete nevose vanofamba nemugwagwa uyu nekuvawanisa zvirimwa zvakasiyana.

Siyanai nekutema miti: TMPC . . . zvinokonzera kusanduka kwekunze

Kingstone Mapupu naMuchaneta Chimuka SANGANO rinomirira vanachiremba vechivanhu nemaporofita reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC) rokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuparadza masango kuburikidza nekutema miti sezvo zvichikonzera gukuravhu uye nekusanduka kwemamiriro…

Mupurisa akarumwa parufu

MUKOMANA tsotsi wekuBulawayo – wekurova nekuruma mupurisa aida kumusunga apo aive parufu – akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 27 nedare reko.

Smart haitangire mutsoka, asi mupfungwa

SAKA kune vanhu vari kuti veGender Commission vakatadza nekuti vakati mamwe mapfekero evanasikana ane dambudziko? Ini semudzidzisi wezvekufambiswa kwemashoko payunivhesiti, ndinoziva kuti mapfekero emunhu imwe nzira yekutaura nayo.

Kudzorerwa pakare kweMarriages Bill

NEMUSI wa18 Gunyana 2019, muchinyorwa chakabuda  mubepanhau reThe Herald chaive nemusoro waiti “Pasvika nyaya yekugadzurudzwa kwemutemo wewanano” takazivisa magadzirirwo emutemo maringe negwaro reMarriages Bill uye zvose zvinodiwa kuti zviitwe gwaro iri risati rapasiswa kuve mutemo.

×