Muroora natete voudzana makobvu nematete

MUROORA natete vakataurirana mashoko makobvu nematete mudare kubvira pakupumhana huroyi, kusvikirwa nemudzimu, kurwara nepfungwa uye kusagona kushandisa chimbuzi zvakanaka.

Ita izvi panguva yenyoka

SANGANO reEnvironment and Safety Managemnet Institute (ESMI) riri kupa yambiro kune veruzhinji kuti vangwarire nyoka, kunyanya dzerudzi rwemhungu, idzo dzinenge dzichitsvaga pekugara panotonhorera munzvimbo dzinosanganisira mudzimba zvichitevera kupisa kwakanyanya kuri kuita kunze.

Sahwira ndiye ane yese . . .‘Anondipa mari Zvose nerudo’

Kingstone Mapupu MUDZIMAI akaroorwa, nechikomba chake avo vose vanogara mubhuku raMudhokwani, kwaChihota, vari kuyuwira nekurwara nemudumbu vachiita kudurura manyoka asiri kumira mushure mekunzi vateyewa nemushonga werunyoka nemuridzi wemukadzi uyu. Vose…

Wivhi dzine makonye: Dr Guramatunhu

Abel Ndooka VANHUKADZI vanoda zvemucheno vari kukurudzirwa kuti vasarukwe wivhi (weave) mumisoro yavo sezvo zvichinzi rimwe revhudzi rewivhi rinenge ragerwa kubva mumisoro yevanhu vakafa kunyika dzekunze. Kurudziro iyi yakapihwa nenyanzvi…

‘MaSanctions atitambudza

Malven Mugadzikwa naAbel Ndooka ZVIZVARWA zveZimbabwe zviri kumativi ose enyika zvinoti zvakakosha kutaura nezwi rimwe chete kuti zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvo zvakatemerwa nyika ino zvibviswe sezvo zviri kukonzera kutambura…

‘Hatidi yunifomu kuvhasiti’

VADZIDZI vekumayunivhesiti nemakoreji pamwe chete nevabereki vari kupa mafungiro avo akasiyana pamusoro pechikumbiro chakapihwa nekomisheni yeZimbabwe Gender Commission (ZGC) kuti vadzidzi vechidzimai vekuzvikoro zvepamusoro izvi vange vachipfeka mayunifomu kuitira kuti vasashungurudzwe nenzira yebonde.

Chimuka akahwinha mumwezve mubairo

Munyori weKwayedza MUNYORI weKwayedza Muchaneta Chimuka akahwapura mumwezve mubairo wekugona basa mumakwikwi eNational Journalistic Media Awards (NJAMA 2018-19) pamabiko akaitwa nemusi weChina muguta reHarare.   Chimuka akahwinha mubairo wekutanga unoona…

‘NETBALL IRI MUMHURI’

MUTAMBI wenetball wechikwata chenyika chemaGems, Ursula Ndlovu (25), anoti amai vake ndivo vakamumanikidza kuti atambe mutambo uyu sezvo iye aive nerudo rwemujaho wekumhanya.

Ticharamba tichisimudzira vatori venhau: Zimpapers

KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, svondo rapera yakatsigira makwikwi evatori venhau eNational Journalistic and Media Awards (NJAMA) ayo akaitirwa muguta reHarare nemari inosvika $10 000 nechinangwa chekusimudzira basa revatori vevanhu.

‘Madam Boss pfeka zvaunoda’

VATSIGIRI vanotevera Tyra Chikocho – uyo anozivikanwa saMadam Boss – vari kupa mafungiro avo akasiyana-siyana zvichitevera kubuda kwaari kuita achizvishambadza padandemutande apo akapfeka mbatya dzekutuhwinhisa uye pamwe aine kachikabudura.

×