Mungano zvinoitika
UCHITSIGIRA nengano shanu, jekesa kuti mungano kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki muupenyu mungano zvinoitika. [25]
Zimpapers Cancer Walk yodzoka nemutsindo
CHIRONGWA cheZimpapers Annual Cancer Power Walk – icho chinoitwa nekambani yezvenhau iyi yakabatana neIsland Hospice and Healthcare nechinangwa chekutsvaga mari yekurwisa chirwere chegomarara – chadzoka zvakare zvine mutsindo.
Otyisidzira hama nebanga
MUMWE mudzimai anoti ashaya zano rekuita nemwanakomana wake uyo ane marambadoro uye anogara achiti anoda kuuraya vanin’ina vake kuburikidza nekuvabaya nebanga.
Kudzidza hakupere nebvunzo
TINORAMBA tichingopanda nekutsvaga ruzivo kubva mune zvakawanda muchiShona chedu kuti tigovawo magodobori emutauro wamandorokwati. Ruzivo rwedu rwunofanirwa kuvandudzwa nguva nenguva kubva mukunyora chiShona chakanaka kusvika mukuziva zvakavanzika muhupenyu netsika dzedu.
‘Tarisirai kupisa kwakanyanya’
BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, riri kuyambira veruzhinji kuti Zimbabwe inogona kusangana nekupisa kwakadarikidza uko kusati kwamboonekwa kutanga nemusi weChitatu chino kusvika Muvhuro unotevera.
Rima hanyanisi zvine pundutso
Wendy Madzura CHOKWADI kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana. Waingova mufaro chete paMazowe Citrus apo varimi vaikohwa hanyanisi dzavo dzemhando yehybrid idzo dzavakarima kubva kuSeed Co. Mhando dzehanyasisi dzakarimwa pamunda iRegent F1…
Opinza ‘small-house’ mubhedhuru mukadzi wake aripo
MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti murume wake anoita bonde reginya senzira yekumupfidzisa uye kugara achimurova nechinangwa chekuti atize pamba.
Vopwanyirana hari dzepakirawa
VANAMADZIBABA vakazvuzvurudzirana kudare vachipomerana mhosva yekupunzirana midziyo yavanoshandisa pakunamata uye nekushandisa mari yechechi zvisiri izvo. Knowledge Jackson — uyo anopinda chechi yeJohanne Masowe yeChishanu — akaendesa Evidence Sanyahumba waanonamata naye kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.
Mukadzi okumbira kudzoka kumba
Courtney Munodawafa MUDZIMAI wekumhan’arira aimbove murume wake kudare achiti ari kumushungurudza akazoshaya pekupinda nenyadzi apo akanzi akabva pamba pavo mushure mekunyeba kuti ari kuenda kuchechi ndokubva aenda zvachose. Catherine Kahari…
BancABC yoshanda neHarare
BHANGA reBancABC riri kubatana nekanzuru yeHarare pamwe chete neCity Parking muchirongwa chekubhadhara mitero nemarezinesi muguta reHarare pachishandiswa michina yechizvino-zvino.

