Tsiva mberi, mari mumashure-Musonda

Abel Ndooka MURAIRIDZI wetsiva ane mukurumbira arizve nyanzvi yekuronga mitambo uyu, Clyde Musonda, anoti vatambi pakutanga havafanire kutungamidza mari asi kuti vagadzire mazita avo. Achitaura neKwayedza, Musonda anoti chinodiwa mumutambo…

‘NDINE ZVIKOMBA 15’‘. . . vamwe 20 vari kundida’

MUDZIMAI wechidiki anogara muHarare, anoti zvinomuremera kuramba shoko rerudo, izvo zvamuita kuti adanane nevarume 15 panguva imwe chete — vakaroora nevasina — uye haasi kumira, sezvo vamwe vangasvika 20 vachiri padanho rekumupfimba.

Votemwa netsvina yevanhu

MHURI inogara kuHopley Zone 1, muguta reHarare —  asi kumusha ichibva kuBikita, KUmasvingo — inoti iri kungotemwa nematombo ari kubva mumhepo uku vana vachibvarurirwa mbatya nekurikitwa nezvinhu zvisingaonekwe.

EPWORTH: VAPENYU VOGARA NEVAKAFA

MAKUVA anodarika 30 ari kunzi akafukunurwa, marangwanda evashakabvu ndokusara ave pamhene kuEpworth.

Famba Zion neSeed Co

VANHU vakanga vari mavhu nemarara paMbungo Estates Farm, kuMasvingo apo vaipembera kugona kurima gorosi kwakaitwa nevarimi vepaMbungo Farm kwaBishop Nehemiah Mutendi.

Vana vechikoro vobatsirwa

SANGANO remubatanidzwa wemadzimai anobva kumachechi akasiyana muZimbabwe, reDaughters of Virtue (DOV), rinoti vana vanodzidza kumaruwa vanofanira kuwana fundo yakafanana nevari muzvikoro zvemumadhorobha nemaguta, kunyanya munyaya yekushandiswa kwemakombiyuta nemimwe michina yechizvino-zvino.

MUSHEKWI ANE ZVIPO . . . kunze kwebhora anotamba rugby, basketball nemujaho

MUNIN’INA waNyasha Mushekwi uyo anove mutambi wemaWarriors nechikwata cheZhejiang Greentown chekuChina – Elvis Mushekwi – anoti mukoma wake munhu ane zvipo zvemitambo yakasiyana izvo zvakamuona achitamba mitambo yakadai serugby nebasketball uye zvenhabvu akaita zvemasanga nazvo.

Eke hutu nemubairo weBig Brother Naija

MERCY Eke ndiye akahwina mubairo mukuru wemuchirongwa cheBig Brother Naija 2019 icho chinobuda paDSTV zvakaita kuti ave mudzimai wekutanga kuhwina mumutambo uyu.

Imbonzwa kunaka kwerupiza

RUPIZA kudya kwakabvira pasichigare uye kune mapuroteni awakanda ayo anoita kuti muviri ugare wakagwinya.

Siirai vana nhaka: Gringo

SHASHA yemadhirama Lazarus ‘Gringo’ Boora anoti zvakakosha kuti vabereki vari mune zvemitambo yakasiyana yakadai semadhirama kana mhanzi vadzidzise vana vavo vachiri vapenyu kuitira kuti vazozive gwara rekutevera mune remangwana.

×