‘Hatichakwanisa kubhadhara mitero’

VANHU vakwegura vekuEpworth vari kuchema-chema kuti dai Local Board yeko yavarerutsirawo kuti varegedze kubhadhara mitero yedzimba kana kuti vobvisa mari shoma.

Rambai vakadzi, varume: Bishop

BHISHOPU weApostolic Church iri kuMahatshula North, kuBulawayo, ari kupomerwa kupunza michato yevatendi vake kuburikidza nekukurudzira varume nevakadzi vakaroorana kuti varambe vadiwa vavo ndokunge vasiri kuenda kuchechi.

MHURI YOSE IN’ANGA…‘Tisu tinosimbisa maporofita’

VANHU vashanu vemumhuri imwe chete – amai nevanakomana vavo vatatu, nemuzukuru – vekuChidodo, kuMbire, mudunhu reMashonaland Central, vanoti vose in’anga uye ndivo vanopa maporofita nevamwe vakuru vemachechi mishonga yekuti vatyiwe kana kuti vaite mbiri.

St Johns Chikwaka yauya nezvitsva

CHIKORO cheSt Johns Chikwaka chiri kuGoromonzi chakaparura mutambo mutsva unoratidza kukosha kwetsika nemagariro echinyakare izvo zvinoenderana nechirongwa chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum.

‘Muroora siya zvemushabhini’

VAMWENE vakazomhan’arira muroora wavo kudare vachiti haagone kuchengeta mwana wake zvakanaka uye akambomutiza akamusiya ari pamugodhi uzere mvura achienda kunyika yeSouth Africa.

‘Baba munoda kuti ndirambwe’

MWANASIKANA akazvuzvurudzira baba vake kudare achiti vari kuda kuparadza wanano yake vachimupomera kuti ndiye akaita kuti varambane naamai vake.

Oita zvinorova nekurima makabhichi

MURIMI wechidiki wekudunhu raMambo Mutambara kuCashel Valley, kuChimanimani oita zvinorova nekurima makabichi zvisinei nekuti akatarisana nedambudziko guru rekushaya kwekuatengesera.

‘Fambiranai nemwaka’

VARIMI vari kukurudzirwa kuti vange vachigadzirira minda yavo pamwe nekutenga zvekushandisa zvakadai sembeu nefetiraiza nenguva kuitira kuti vazopunduka mukurima kwavo mumwaka wa2019/2020.

Jaya roita tsvina amai vokorobha

MUDZIMAI anogara kuNkulumane, muguta reBulawayo, akasiya vanhu vaive mudare vasisina neremuromo apo akati mwanakomana wake ane katsika kekuitira tsvina muimba yavo yekutandarira izvo zvinomumanikidza kuzoibvisa.

Uyu mukadzi wangu’‘. . . neniwo ndewandu’

VANHU vaive mudare vakakahadzika apo vamwe varume vaviri vakatsvukisirana maziso nenyaya yekurwira mukadzi, mumwe nemumwe wavo achiti mudzimai uyu ndewake.

×