Hakuzenge kufara ikoko: Kwangwa
Abel Ndooka KEPUTENI mutsva wechikwata chenetball chenyika chemaGems, Felistas Kwangwa anoti chiremerera chikuru chaakapihwa kuti atungamire apo vari kunokwikwidza kumakwikwi eAfrica Netball Championships achaitirwa kuSouth Africa kutanga nemusi weChishanu chino.…
Vamwene nemuroora zvatosvorana
Tatenda Shuro VAMWENE vakachema-chema mudare vachiti vashaiswa rugare nemuroora wavo uyo ari kufurufusha maroja pamwe chete nevavakidzani vavo. Norah Chikwavira ataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira muroora Letwin…
Imbonzwa nyama yehwai
Muchaneta Chimuka NYAMA yehwai inonaka zvikuru kana ichinge yakaringwa zvemhando yepamusoro. Svondo rino Memory Mutandiri wekuMarondera anotsanangudza mamwe mabikirwo eusavi uhu. Zvinodiwa: Chikari, poto kana pani, nyama yehwai, hanyanisi, matomatisi,…
Mwana (11) akaponda mwana (5)
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMutorashanga, kuMashonaland West, ari kuferefeta nyaya inosuwisa yemwana wemakore gumi nerimwe chete okuberekwa uyo anonzi akatema mumwe wake wemakore mashanu nedemo akafa mushure…
Kupasa kwevana kwoderera
Charmaine Brown KANZURU yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) inoti pane kuderera kwekupasa kwevana vakanyora bvunzo dzeO-Level dzemunaChikumi gore rino asi veA-Level vakati wedzerei kupasa kana zvichienzaniswa nevakanyora mumwedzi mumwe chetewo…
Hapana chakaipa apa: Madam Boss
MIFANANIDZO yaTyra Chikocho – uyo anozivikanwa saMadam Boss – iyo yaari kuzvishambadza padandemutande akapfeka mbatya dzekutuhwinha nadzo nemimwe aine chikabudura yokonzeresa zvakawanda kune veruzhinji kunyangwe zvazvo mudzimai akaroorwa uyu ari kuti vemhuri yake, kusanganisira vanyarikani savamwene, vakuwasha nanatezvara, vanogutsikana nazvo.
Gava rakapinda nepahwindo
MUDZIMAI ane makore 58 okuberekwa nemuzukuru wake wemakore gumi vanogara papurazi reMarirangwe, kuMarondera, vanonzi vakapunyuka rufu nepaburi retsono apo vakapindirwa mumba negava ndokurumwa.
Kwoitwa gorofu yeNAC
KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kutanga nemusi weChitatu neChina svondo rino paChapman Golf Club, muHarare, apo vatambi vegorofu vachakweshana mumakwikwi eNational AIDS Council (NAC) HIV and Cancer Prevention Drive 4 Pro-AM Fundraising Golf Tournament.
Mazita evose vakachata oziviswa
Fidelis Munyoro MUCHIITIKO chinogona kuona shanduko huru mugwaro riri kubikwa kuti rizove mutemo, reMarriages Bill, iro rine chinangwa chekuti wanano dzose dzinge dzichibatanidzwa, mumwe mutongi wedare reHigh Court anoti panofanirwa…
Mbavha inoba iri musvo
Liberty Dube ari kwaMUTARE MBAVHA yekubatwa ichiba mbudzi dzainge dziri mudanga apo yainge iri musvo kunze kwechipfeko chemukati nekavhesi bedzi yakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere nedare reMutare Magistrate Court. Mutongi…










