NDAKARASA MUKANA: CHARLES MANYUCHI
SHASHA yetsiva – Charles Manyuchi – anoti akarasa mukana mukuru mugore ra2017 apo akakundwa naQudratillo Abduqaxorov wekuUzbekistan, kuSingapore izvo zvakamuona achitorerwa bhande raaive naro reWorld Boxing Council Silver Tittle asi kudzoka kwaaita ane chishuwo chekurwa nedzimwe shangwiti dzepasi rose dzinosanganisira Floyd Mayweather (Jr).
Mayunivhesiti burai nyanzvi – Murwira
ZVIKORO zvemapolytechnics nemayunivhesiti muZimbabwe zviri kuita basa guru rekusimudzira makambani asiri kunyatsofamba zvakanaka seZiscosteel kuburikidza nekusimudzira ruzivo rwechizvino-zvino.
MAONERO EDU: Rongeka pakurima
KUNE chirevo chinoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo kuitira kuti isazowanikwa isina kugadzirira zvakakwana kana yave kuda kurishandisa.
Akaponda amai vake, ndokupisa chitunha
MURUME wekuHurungwe — uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa — anonzi akatema amai vake nechidhinha, ndokuzovarova nedanda kusvikira vafa, mushure achibva apisa chitunha chavo nemoto wehuni waakabatidza.
Hwindi tasa Pamakwikwi Ekunwa doro . . . Vamwe 7 vakafefemukira muchipatara
MURUME anga achishanda sahwindi kumakombi ekuCentenary anonzi akafa nguva pfupi yadarika mushure mekunwa doro zvakadarikidza pamutambo wekufadza makasitoma uyo wakaitwa nemumwe muzvinhabhizimisi weko.
Akazviuraya aita tsaona 3
MURUME wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, anonzi akafa nekuzvipfura nepfuti mumusoro mushure mekushungurudzika kwakanyanya apo akange aita tsaona nemotokari nhatu pazuva rimwe chete.
‘Dzingai cholera muzvikoro’
ZVAKAKOSHA kurwisa zvirwere zvemanyoka secholera muzvikoro – kubvira kupuraimari kusvika kumayunivhesiti – sezvo munzvimbo dzekudzidzira idzi chiungana vadzidzi vakawanda izvo zvinoita kuti zvirwere izvi kana zvikanyuka zvipararire nyore.
‘Tangai kugadzirira mwaka unotevera’
MAPOKA akasiyana anoona nenyaya dzekurima okurudzirwa kuti atange kugadzirira mwaka wa2019/2020 nechinangwa chekukunda matambudziko akasanganikwa nawo gore radarika, vanodaro gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland West, Cde Mary Mliswa-Chikoka.
Ziva paumire uri kuAgricultural Show
SANGANO reNational AIDS Council (NAC), semazuva ese, richange riri muchirongwa che2019 Edition Zimbabwe Agricultural Show.










