‘Apa ndange Ndakacherera Us$200 000 pasi’
MURUME anogara mumusha weKuwadzana 7, muHarare, uyo aimboita zvemigodhi, ava kudya nhoko dzezvironda asi iye akafushira mari inosvika US$200 000 — ehe maUS$ — pasi pemba yevabereki vake senzira yekuichengetedza.
‘Ndauraya vanhu 50’‘. . . ndikapengesa vamwe 100’
MURUME wechidiki wekuEpworth — uyo anoita zvehun’anga — ari kudura kuti auraya vanhu vanodarika 50 nemishonga uye atumira mweya yemamhepo ekupengesa kuvamwe vanodarika 100.
‘Mhofu anoita’
VARAIRIDZI vakasiyana vezvikwata zvinokwikwidza muCastle Premiership vanoti vatsigiri venhabvu kana vaongorori vemutambo uyu vanofanirwa kupa Sunday “Mhofu” Chidzambwa rukudzo nekuti kubudirira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations harisi dambe.
Akarambirwa mudare
MURUME anogara kuGlen View, muHarare — uyo wekumhan’arirwa nemudzimai wake kudare — akazokatyamadzwa mushure mekunzwa mukadzi uyu achiti vakatorambana kare.
Obvutirwa mugoti achibika
MURUME wechidiki wekumugodhi weTrojan Nickel Mine, kuBindura, anoti pane mashiripiti ari kuitika kwaari ekuti anobvutirwa mugoti waanenge achibikisa sadza kana kumwe kudya nezvinhu zvaasingaone.
Makuwerere kuADMA Agric Show
VANHU vakanga vari mavhu nemarara kubva musi wa13 kusvika 15 Chikumi muguta reHarare kumutambo weADMA Agric Show.
Bhizimisi rekupfuiwa kwehuku rovandudzwa
SANGANO rinomirira varimi vanopfuya huku dzenyama nedzemazai reZimbabwe Poultry Association (ZPA) rinoti rakazvipira kusimudzira indasitiri iyi munyika muno.
A-LEVEL — UGO HWAMADZINZA HWAVASHONA
TSANANGURA pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotevera dzekupira midzimu; Doro remukwerera, Kuteketera kwavadzimba, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]
Akatorerwa murume zvose nemagejo
MUDZIMAI wemuHarare ari kuchema-chema kuti mukadzi anova nyachide pabarika ravari akamutorera murume zvose nemidziyo yake ndokumusiya ave pamhene.
Grade 7…Tsumo dzine hudzamu
SEMAVHAIRIRO anoita vaya vanoita chiRungu chekusvisvina, tinofanirwawo kumira nechiShona chedu tichichisvisvina nekuridigura hunzanzanza hwetsumo, madimikira kana nyaudzosingwi. Tinofanira kudada nemutauro wedu nekuti arimoo matsvigotsviriri muchiShona.








