Zvikoro 17 zvopera kuvakwa

Munyori weKwayedza
KUVAKWA kwezvikoro zvitsva 17 pasi pehomwe yeOPEC Fund for International Development kwave kupera uye bazi redzidzo yepuraimari nesekondari pari zvino rave kutotenga zvinodiwa pakudzidza kwevana semakombiyuta emuzvikoro izvi.

Hurumende nguva yadarika yakawana chikwereti che$20 miriyoni yekuvakisa zvikoro 17 kumatunhu masere enyika, kunyanya kunzvimbo dzakasaririra.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, VaEdgar Moyo, vanoti pazvikoro zviri kuvakwa izvi zvakawanda zvacho zvapera nechikamu che90 percent.

“Zvizhinji zvezvikoro izvi zvapera kuvakwa nechikamu che90 percent apo zvimwe zviri pachikamu che60 percent,” vanodaro.

“Takaita musangano nekambani iri kuvaka masvondo matatu adarika uye vakavimbisa kuti basa rose rinenge rapera kusvika 30 Chikumi, 2019. Panguva iyo hurongwa hwekutengwa kwemakombiyuta nemimwe midziyo inodiwa pakudzidza hunenge hwafamba, tinenge tapedza uye tiri kutarisira kuvhura zvikoro izvi pakati pemwedzi waChikunguru,” vanodaro VaMoyo.

Svondo rapera, bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakashambadza kuti makambani anoda kuunza makombiyuta nezvimwe zvinodiwa mukudzidza aendese mafomu awo kumahofisi ebazi iri.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari, rakabatana neOFID, rakatanga chirongwa chekuvaka zvikoro 17 nechinangwa chekusimudzira mhando yefundo uye kuti dzidzo inge ichiwanikwa nyore,” rinodaro bazi iri mushambadzo iyi.

“Nekuda kweizvozvo, bazi rino rinoda makambani anokwanisa kuunza makombiyuta nemimwe midziyo inoshandiswa mukufunda.”

Nguva pfupi yadarika, gurukota rebazi iri – Professor Paul Mavima – vakazivisa kuti Hurumende ine hurongwa hwekuvaka zvikoro 2 000 kumativi mana enyika mumakore mashanu anotevera.

Vanoti mushure mekupedza kuvakwa kwezvikoro 17 izvi, Hurumende ichavakisa zvimwe 100 pasi pechikamu chechipiri chehurongwa hweOFID, apo homwe iyi inenge yawedzerwa kuenda pa$40 miriyoni.

Prof Mavima vanoti kambani huru munyaya dzeinishuwarenzi munyika muno, yeOld Mutual, inotiwo yakazvipira kubatsira mukuvakwa kwezvikoro uye nerumwe rutivi, nyika yeQatar inoratidza chido chekusimudzira chikamu chedzidzo muZimbabwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×