Chikamu chezvemukaka chosimudzirwa

Kudakwashe Mhundwa
HURUMENDE inoti iri pakati pekuita hurukuro nemubatanidzwa wemakambani emuno neekunze ari muindasitiri yezvemombe dzemukaka nechinangwa chekuti nyika ino iwane mukaka wakawedzerwa kubva pamarita 65 miriyoni ayo ari kuburwa parizvino pagore.

Zimbabwe kwemakore gumi adarika, iri kuwana mukaka usingakwanirane izvo zviri kuita kuti itenge kuSouth Africa, ichirasikirwa nemari yekunze.

Mamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo muindasitiri yezvemukaka anosanganisira, kudhura kwemagetsi, chikafu chekupa mombe dzemukaka pamwe nemushonga yekurapisa mombe idzi.

Zvisinei nematambudziko aya, huwandu hwemukaka huri kuburwa munyika muno hwawedzera zvishoma kubvira makore adarika.

Magwaro akaburitswa nebhengi guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) nguva pfupi yadarika anotaridza kuti mukaka wakaburwa pachikamu chechina chegore rapera wakawedzera nechikamu che18 percent kuenda pamarita 21 miriyoni kana zvichienzaniswa nemarita 17,8 miriyoni ayo akaburwa panguva imwe chete muna2017.

Mutevedzeri wegurukota rebazi rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva – VaVangelis Haritatos – vanoti chirongwa chekusimudzira indasitiri yezvemukaka kuMashonaland West chichaita kuti Zimbabwe ive nemukaka unokwanirana mukati memwedzi 12.

“Tine vamwe vakotsveri vatsva vanofadza vari kuuya, vamwe vacho ndevekuBelarus. Takanyorerana chibvumirano pasi chemushandirapamwe cheMOU neHurumende yeBelarus chezvekurima, vachaunza mombe 1 000 dzemukaka.

“Izvi ndizvo zvimwe zvatiri kuita, tine mamwe makambani zvakare anosanganisira Kwekwe Dendairy iyo iri kusimudzira indasitiri yezvemukaka zvikuru. Tine chimwe chirongwa chitsva chiri kuuya kuMashonaland West, asi handikwanise kutaura zvakawanda pamusoro pacho nekuti tichiri kuita hurukuro dzacho, asi ndine idi rekuti chichabudirira. Ndine chivimbo chikuru chekuti tichave nemukaka unokwanirana munyika muno uye kana zvirongwa izvi zvikabudirira tichange tave kubura mamwe marita 60 miriyoni emukaka pamusoro peatiri kuwana parizvino pachezvedu pagore,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti Zimbabwe inokwanisa kubura marita emukaka anodarika 250 miriyoni pagore roga-roga uye Hurumende iri mushishi yekushanda mukuona kuti izvi zvazadzikiswa mumakore matatu anotevera.

“Ndine chokwadi chekuti mumakore maviri kana matatu anotevera, tinenge tave kubura mukaka unokwanirana munyika muno. Hatingarambe tichitenga mukaka kubva kunze kwenyika,” vanodaro.

Zimbabwe yaimbobura marita emukaka anodarika 260 miriyoni pagore mumakore ekuma1990 asi huwandu uhu hwakazodzikira kuenda pa70 miriyoni kana zvichienzaniswa nemarita 120 miriyoni anodiwa kuti ange achikwanirana munyika.

Nyanzvi dzemuindasitiri yemukaka dzinoti nyika ino iri kushandisa mari inodarika $7 miriyoni pamwedzi mukutenga mukaka wakagadzirwa (powdered milk nebutter) zvichitevera matambudziko ari kusangana nevarimi vemombe dzemukaka muZimbabwe.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×