Charles Mungoshi akatisiira maodzamoyo
naIgnatius Mabasa NDINOFUNGA kuti pari zvino shoko rakasvikawo kwenyu kuti munyori ane mukurumbira, VaCharles Lovemore Muzuva Mungoshi vakatisiya. VaMungoshi aive munhu wandaiyemura nekuremekedza zvikuru munyaya dzezvekunyora mabhuku. Vaive mudzidzisi wangu…
Handigare mudondo: Hweva… ‘. . . ndinochena zvisingaite’ ‘. . . ndinotoenda kuchechi’
Abel Ndooka SHASHA yemadhirama — Lovewell Chisango — uyo vazhinji vanoziva saHwevamatunhu kubva padhirama rinonzi Mawoko Matema, anoti kuti asvike paave inyaya yekushanda nesimba uye anoona achikwana pachinzvimbo chose-chose panyaya…
Imbobika matemba seizvi
MATEMBA anonaka zvikuru kana achinge abikwa nehunyanzvi uye ndichirera mhuri sezvo ari iwo akabata dzimba dzakawanda nekuda kwemutengo wawo uyo wakaderera kana zvichienzaniswa nenyama. Svondo rino Tatenda Shuro wekuMarondera anotsanangudza…
Chirongwa chekusima miti
Abel Ndooka VANA vechikoro vari kurumbidza chirongwa chiri kuitwa neFriends of the Environment yakabatana nekambani yeNyaradzo Funeral Services nebepanhau reKwayedza chekusima miti muzvikoro vachiti vari kudzidza zvakawanda pamusoro pekukosha kwemiti…
‘Hausvike Kirisimasi uri mupenyu’
Ashley Muchamiri MUKADZI wekushaiswa rugare nemurume nemudzimai wake – avo vakamutengesera sitendi yemba asi vaanoti vari kurima pachivanze chake vachiudza vana vake kuti iye haasvike Kirisimasi ari mupenyu – akazopotera…
Akafa arumwa nenyoka mukanwa
Whinsley Masara MWANA achiri kuyamwa anonzi akafa svondo rapera kuBinga mushure mekurumwa nenyoka yerudzi rwechiva iyo yaakange anhonga ndokuikabira mukanwa make. Ability Ndlovu – uyo aigara nevabereki vake kubhuku rekwaMabula, kwaMambo…
Vopemha rubatsiro rwevana
Munyori weKwayedza SANGANO rakazvimirira, reInspire Tutors iro rinoshanda nenherera mukuvandudza dzidzo yavo – kunyanya vanotambudzika nekunyora nekuverenga rinove dambudziko rinozivikanwa seDyslexia – riri kutsvaga mari yekubatsira vana ava kuti vawane…
Mukadzi orambirwa kuchembera
Tatenda Shuro MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, ari kuchema-chema kuti murume wake akamuramba achimuti achembera, ndokuroora mumwe mukadzi waave kugara gara naye pamba pamwe chete naiye apo vanopanana rudo iye akayeva. Komborero…
Grade 7: Rodza njere nemadimikira
Ticha Danga MUKUVAVARIRA kwedu kuti tipinde mugoho remhando yepamusoro, tinobata mativi ose kuti tigadzire hwaro hwakakura hwebvunzo redu. Rwendo rwuno tinoda kumboita zvine kamusiyano kune zvataisiita kare nekuti tinodawo kuti…
O-LEVEL — MANYAMBIRI: Madingindira arimo
Munyaradzi Gunduza CHINONZI dingindira ipfungwa huru dzinenge dzichibuda murungano. Kazhinji rungano rwunofamba kuburikidza nemadingindira anenge akarongwa nemunyori. Madingindira aya ndiwo anoita kuti tikabvunzwa kuti rungano rwuri pamusoro pei tinokwanisa kutaura…









