Tezvara kumitisa muroora!
MUKADZI wechidiki uyo akaroorwa kuHurungwe anoti mimba yava nemwedzi misere yaainayo yakabata mushure mekunge abatwa chibharo natezvara — baba vemurume wake mbune — asi nyaya iyi ikasamhan’arwa kumapurisa.
Mhirizhonga bodo: President
Felex Share PRESIDENT Mnangagwa — avo vachangodzoka kurwendo rakabudirira zvikuru kunyika dziri kuEurasia — vanoshora mhirizhonga yakaitwa nevamwe vanhu vemuno vachitungamirirwa nesangano reMDC-Alliance nereZCTU, vachiti kunyangwe zvazvo iri kodzero yemunhu…
Chitunha chakachema
. . . chikarasa-rasa maoko VANHU vaiva parufu rwemukadzi ari kunzi akafa asina kurwara kwaNyamweda, kuMhondoro, vakapotsa vadzvamuka vachitiza mumba maiva nemutumbi wemufi apo chitunha chinonzi chakatanga kuchema zvekutoridza mhere.…
Zvimbokoma muchechi
Vatendi vakatakwa nemabwe l Machira akapiswa neparafini Fortunate Gora ari kuCHINHOYI VARUME vasere vekwaZvimba vakamiswa mudare reChinhoyi Magistrate Court vachipomerwa mhosva yokukonzera bongozozo pachechi yeGuta raJehova apo vanonzi vakarova vamwe…
Rodriguez odzika midzi kuMunich
JAMES Rodriguez (27) acharamba ari kuBayern Munich kusvika mwaka wegore rino wapera uye haasi kuzoenda kuArsenal kana, kuNapoli mwedzi uno.
Vorwira ruzha rweredhiyo
Milcah Nhakura HANZVADZIKOMANA yakaendesa hanzvadzisikana kudare redzimhosva mushure mekunge vanetsana pamusoro peruzha rweredhiyo.
Madora ane dovi iwe!
ZVIRI MUGAPU NA MUCHANETA CHIMUKA MADORA ane dovi kudya namambo chaiko kana usavi uhu huchinge hwabikwa zvemandorokwati uye kunopa utano hwakanaka kumuviri.
‘Zupco yatirerutsira’
l ‘Mahwindi rovai pasi’ l ‘Wanzai mabhazi makuru’ Ashley Muchamiri naMilcah Nhakura VERUZHINJI vari kurumbidza danho rakatorwa neHurumende rekuunza mabhazi makuru ekutakura vanhu pakuenda nekudzoka kumabasa nedzimwe nzendo vachiti izvi…
Tsigirai varimi vedonje zvizere: Cottco
Tawanda Mangoma ari kuCHIREDZI KAMBANI yeCotton Company of Zimbabwe (Cottco) yoshoropodza zvikuru mamwe makambani anopa varimi makondirakiti asi ozovasiya vari pamhene kuburikidza nekusazadzikisa zvivimbiso zvawo zvakadai sekuvapa mbeu yekuti vadyarure,…
YAMBIRO PAMUSORO PETISHAMWARIDZANE
CHIRONGWA chino ndeche vanhu vari pachokwadi avo vari kutsvaga shamwari (penpals) pamwe neavo vari kutsvaga wekuroorana naye.









