‘Kuratidzira pazvipatara bodo’

Tandayi Motsi HURUMENDE inoti kubva pari zvino haizi kuzotendera kuti panzvimbo dzinorapwa varwere sepazvipatara dzishandiswe pakuratidzira kuitira kuti vanorwara vasakanganiswe mukupora kwavo. Izvi zvakaziviswa nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika Acting President…

Mwaka wakasunama: Shiri

Farai Machivenyika naColumbus Mabika HURUMENDE iri kutora matanho ekurwisana nedambudziko renzara ingangotarisana nenyika zvichitevera yambiro yanamazvikokota vanoona nezvemamiriro ekunze yekuti mwaka wa2018 -2019 mvura inogona kusanaya zvakaringana kunzvimbo zhinji dzenyika.

Muredzi wehove akapondwa

Kingstone Mapupu MURUME wemubhuku raKamutondore, kuNyamapanda, anonzi akafa nekupondwa kudhamu reLake Chivero, kuNorton, nguva pfupi yadarika apo iye nemumwe wake vakarwiswa nechikwata chevanhu vatatu vachipomerwa kuredza hove zviri kunze kwemutemo.

Mvura yageza zvitunha…hazvina kusiyana nekuroya’

Munyori weKwayedza DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dzinoshora maporofita nen’anga avo vanonzi vari kushandisa weti yavo nemvura inogezeswa zvitunha mukushandira vanhu vanenge vaine matambudziko akasiyana.

Akada kubata kazukuru chibharo

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MUNYAYA inokatyamadza zvikuru, murume wekwaZvimba akamiswa pamberi pedare reChinhoyi Regional Court achipomerwa mhosva yokuda kubata chibharo muzukuru wake ane makore matatu okuberekwa nokuda kwokuti ainge anyimwa…

Maticha 3 000 opinda basa

Zvamaida Murwira HURUMENDE iri mushishi kupinza basa varairidzi vanosvika 3 000 nechinangwa chekugadzirisa dambudziko rekushomeka kwematicha muzvikoro iro riri kukanganisa mhando yefundo uye pane mashoko anoti kuzvikoro zvekumaruwa ticha mumwe…

N’anga dzocheresa zvibhorani 40

Muchaneta Chimuka SANGANO rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), rinoti rakazvipira kusimudzira nyaya dzeutano munyika uye rinovimbisa kucheresa zvibhorani zvinosvika 40 muHarare nekuChitungwiza nechinangwa chekurwisa zvirwere zvemanyoka secholera.

Iwewe neni tine basa!

HURUMENDE ine hurongwa hwekuti panosvika gore ra2030, upfumi hwenyika hunge hwasimukira zvikuru apo vanhu vakawanda vanenge vave kurarama upenyu hunoyemurika, mabasa achiwanikwa nyore.

Kanzuru yeHarare yakapihwa kiriniki

Muchaneta Chimuka SANGANO reMedecins Sans Frontierers/Doctors Without Borders (MSF) nguva pfupi yadarika rakapa kiriniki inobatsira vanenge vasangana nematambudziko emhirizhonga dzakasiyana (Sexual and Gender-Based Violence – SGBV) Clinic kukanzuru yeHarare pamwe…

Ko Madzibaba vaidei pabira nemasvikiro?

naIgnatius Mabasa KUNE vanhu vanoti Jesu Kristu ndiMwari wevarungu nevapambepfumi. Vanhu vamwechete ivavo vanoti Bhaibheri rakashandiswa nevarungu kutipofomadza vachititorera nhaka yedu.

×