Hapana chekumirira apa
Ticha Danga ZVIPO zvakaita kudirwa munguva yeKisismusi uye mbatya itsva dzikapfekwa haikona zvekutamba. Iyo mimhanzi yakadandaurwa vanhu vakatsika pasi zvakaoma. Kwaisadanwa ainzwa nekuti yakanga iri nguva yacho.
MultiChoice yaunza mufaro . . .
‘Kirisimasi box’ yemabhuku Tandayi Motsi KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe svondo rapera yakaunza mufaro mukuru kuvana vanochengetwa pamusha wenherera weTichakunda Children’s Home uri kuHatcliffe, muHarare, kuburikidza nekuvapa chipo cheKirisimasi chemabhuku ekuverenga.
Basa radzika: Vavezi
Kingstone Mapupu NYANZVI dzekuveza matombo panzvimbo yeTsindi Art Gallery, mumugwagwa weAirport Road, muHarare, dzinoti basa ravo rakadzikira zvikuru kuburikidza nekushaya vanovatenga zvivezwa zvavo.
Katanhatu pazuva . . .vanodiridza maruva nemukaka we’joni’
Mafurauzi achibvira moto, Kana kuita seadirwa ropa Kingstone Mapupu KASIKANA kanobva kuGokwe ako kanoshanda basa remumba kuDomboramwari, Epworth, muHarare, kari kuti kaona nhamo nekudiridziswa maruva evaridzi vemba nemukaka apo mafurawuzi…
‘Kamambo tomutsigira’
Abel Ndooka SHASHA dzakamboita mukurumbira dzichitamba nhabvu munyika muno dzinoti dziri kutsigira zvikuru kusarudzwa kwemutungamiriri mutsva wesangano reZifa, Felton Kamambo, uyo achangobva kupinda pachigaro chinopisa ichi zvichitevera kukunda kwaakaita Phillip…
Rima soya beans zvine unyanzvi
Wendy Madzura SOYA beans imbeu yakakosha kurima muZimbabwe nokuti inofambidzana nedonzvo rekurima zvemhando yebizimusi (barming as a business) pamwe chete nekurimira kugutsa nyika (food security). Tinodaro nokuti mbeu iyi ikarimwa…
yambiro kuzvikoro!
‘. . . musakwidze mari’ ‘. . . tevedzai mutemo’ Tandayi Motsi GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti nzira dzose dzekubhadhara mari dziri kushandiswa munyika muno dzinofanirwa kutambirwa…
Okapofomadzwa nenyama yegudo
Nhlawenhle Ncube MURUME wekuFigtree, chinhambwe che30km kubva muBulawayo nemugwagwa unoenda kuPlumtree — wekuita mashura ekutengesera nyama yegudo kuvagari vemumusha make achivati ndeye mombe — ava kuzvidemba mushure mekupofomara maziso apo…
Vanoita tsvakurudzo vakakosha: rcz
Malven Mugadzikwa SANGANO reResearch Council of Zimbabwe (RCZ) rinoti vanoita tsvakurudzo muzvikoro nekumabhizimisi madiki neari pakati nepakati vane basa guru mukuvandudza upfumi hwenyika pamwe nemagariro evanhu akanaka.










